Uncategorized

zvimbokoma pamasowe, Muporofita okinditsirwa $500 yema’one-on-one’

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
zvimbokoma pamasowe, Muporofita okinditsirwa $500 yema’one-on-one’ MHOMHO PAMASOWE

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
YAKAVE bata murefu bata mupfupi pasowe riri pedyo nepaMbudzi Round- about, muHarare, apo mumwe muporofita akarikitwa negurumwandira revanhu raanonzi akange abhadharisa mari achiti aizovabatsira mumatambudziko avari kusangana navo izvo zvisina kuzoitika.

Sowe iri riri mumugwagwa unobva kwaMachipisa, kuHighfield uchienda kuChitungwiza uye rinozivikanwa nezita rekuti Dombo Remhikidzano kana kuti Go Back to Centre (Sender) iro rinotungamirirwa naMadzibaba Learnmore Mutambudzi (35) uyo aimbozivikanwa saMadzibaba Girimende.

Kwayedza yakasvika pasowe iri nemusi weChipiri svondo rino ikawana “chakachaya” — zvaingova zvimbokoma Madzibaba Learnmore achirwiswa nevakadzi nevarume vaiti vanoda mari dzavo dzavakamubhadhara vachinzi vaizobatsirwa.

Madzibaba Learnmore akasvikirwa achishandira vanhu ndokutanga kuzvambaradzwa.

Mapurisa epakamba yeZRP Mbudzi ndiwo akazonunura dzivo iri asi “munhu waMwari ainge atoshandwa kare”.

Pasowe apa pane zvidhinha zviri kukanywapo izvo vanhu vaitora vachitemana nazvo zvikazopa kuti vamwe vavo vasungwe nemapurisa.

MHOMHO PAMASOWE

Vanhu vanokwana vanomwe vanonzi vakasvika pamasowe apa vachiti vaida kudzoserwa mari yavo yavakabvisa vachinzi vaizobatsirwa naMadzibaba Learmore achibatsirana naMadzibaba Steven Mugariri vekuChitungwiza.

Vanonzi vakange vawirirana kuti mumwe nemumwe wavo aizobatsirwa nenzira inozivikanwa nekuti “one on one”.

Zvisinei, Madzibaba Steven vanoti havanei nezvakaitika pasowe raMadzibaba Learnmore uye kune maporofita emanyepo ari kushandisa zita ravo kurozva vanhu vane matambudziko mari dzavo. Vanotizve havana chekuita naMadzibaba Learnmore uye veruzhinji vanofanirwa kungwarira kubirwa.

“Tiri kuda mari yedu! Kubva musi weSvondo watakauya pano, takanzi tichabatsirwa naMadzibaba Steven avo tisina kuona nanhasi. Takatorerwa mari dzakasiyana kubvira kuma$200 kusvika ku$500, hatichada kubatsirwa kwacho nekuti muri kutibira mari dzedu. Hatiende kana musina kutipa mari yedu,” anodaro mumwe mukadzi achipupa furo nehasha.

Vanhu ava vakabva vakomba Madzibaba Learmore ndokutanga kumurikita senyoka yapinda mumba.

Paairohwa, Madzibaba Learmore aizhambatata achishevedzera nezwi riri pamusoro apo aimboita seari kuimba nziyo dzemuchechi yake akasimudza tsvimbo mudenga. Panguva imwe cheteyo, mapurisa aivepo akamboda kudzivisa Kwayedza kutora mifananidzo, izvo zvakaita kuti mutori wemifananidzo adarikwe neapo Madzibaba Learnmore ainge akabatirwa chidhinha uye paaizvakatswa.

MADZIBABA STEVEN

“Pano hapasi paMadzibaba Steven, endai kusowe rake munotaura naye. Ibvai pano kani, matumwa naniko? Imi hamunyare, munokuvadzwa nemhiko dzangu pano,” anodaro Madzibaba Learnmore.

Vamwe vevanhu vakataurwa navo neKwayedza vanoti vakatorerwa mari yavo pamasowe apa vachinzi vaizobatsirwa vanosanganisira Moreblessing Mafuku, Bonface Nyamunda, Spiwe Rusere (29) naMaxson Mutemachani avo vose vanoti vakabhadhariswa ma$50 pamumwe.

Tsitsi Mahari (24) anotiwo akabvisiswa $200.

Bongozozo iri rakatora nguva inokwana awa imwe chete apo vanhu vaingomhanyisana vachirovana zvikaita kuti mhomho yevanhu vane misha iri pedyo yeHopley vauye kuzoona bhaisikopu remahara iri.

“Steven wamati achatibatsira wacho ngaauye pano titaure naye, hatikwanise kuenda kusowe kwake nekuti ndimi makatora mari yedu pano muchiti munoshanda naye. Panofa munhu pano pamasowe mukatamba nesu,” anodaro mumwe mukadzi.

Munyori wepasowe raMadzibaba Learnmore, Gamuchirai Sarayi (21) – uyo akarohwawo zvakasimba – anoti haana ruzivo nezvairehwa nevanhu ava.

“Vanhu ava vandirova zvakaomarara asi hapana chavo pano. Vangoti vanoda kuona Madzibaba Learnmore vachiti vanoda mari yavo. Ndipo pavatanga kuita noise, vatumwa chete nevavengi.

“Sowe rino harinamatirwe, nderekushandira chete uye rava nemwedzi mitatu ratanga. Izvozvi mbabvu dzangu dzave kurwadza nekurohwa,” anodaro.

William Dhalimani (32) – uyo anoshanda sagadhi pamasowe apa – anotiwo akatema mumwe munhu nechidhinha pabongozozo iri.

“Kana kuri kusungwa hazvina mhosva, mumwe wevanhu ava ndamurova nechidhinha akadonhera pasi. Anga adyunga muporofita wangu Learnmore mumusoro. Pano hapaitwe izvozvo panoyera. Vanhu ava hativazive uye tinopa marisiti kune vanenge vabhadhara mari asi ivo havana,” anodaro Dhalimani.

Mutori wenhau uno akaratidzwa marisiti anonzi akapihwa vanhu ava mushure mekunge vabhadhariswa mari.

Dhalimani paakabvunzwa nezvenyaya yemarisiti aya, akangotsenga-tsenga mukanwa.

Peter Madziro (34), anove mumwe wevakaona zvimbokoma izvi zvichibaka, anoti kana pamasowe pave kurwiwa kudai, hazvisisina musiyano nekubhawa.

Madzibaba Learnmore anoti: “Ndinonzi Madzibaba Learnmore kwete Steven. Ndinoziva kuti vanhu ava vatumwa naSteven, ane shanje neni nekuti ndamukunda pabasa rangu. Izvozvi ndatenga mota itsva.

“Iwe (kureva munyori uno) ndinokuziva unonzi Mapupu. Zvino ukatamba neni ndine mhiko dzakaipa, unoswera waoma. Usaburitse zvako mufananidzo wangu shaz, handisi wekutamba naye.”

Kwayedza yakazoridzira Madzibaba Steven runhare nekuda kwenyaya iyi uye vanoti havana ruzivo pamusoro pevanhu vakakonzeresa bongozozo pamasowe apa.

“Nyaya iripo ndeyekuti tava nedambudziko kumasowe nekuti vawanda maporofita ari kushandisa zita rangu rekuti Madzibaba Steven. Vamwe vanozouya kwandiri vachiti takafanobhadhara mari kuvamwe vangu, asi vanenge vavharwa mari dzavo.

“Learnmore kana kuti Girimende ainamata neni akazobva. Akambotora mari yevanhu ndaenda naye kuBulawayo. Izvozvi ndinonzwa kuti anotaurira vanhu kuti ndinomboshandira vanhu pasowe rake, handizvo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Ini ndine sowe kuGlen View asi vanhu ndinoshandira kusowe rangu kuChitungwiza chete. Madzibaba Elias vakambosungwa zvakare vashandisa zita rangu kuita chikiribidi. Vanhu ivava ngavasiyane neni, kana vachida Mwari ngavataure naye vapihwe masimba kwete kuhwanda nezita rangu.”

Madzibaba Learnmore anotsinhira kuti aimboshanda naMadzibaba Steven asi ndokuramba zvekuti ari kushandisa zita ravo achitorera vanhu mari dzavo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Asst Inspector Simon Chazovachii, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya yebongozozo rakaitika pamasowe aMadzibaba Learnmore.

Share This:

Sponsored Links