Zvimbokoma zvobaka pataundi

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Zvimbokoma zvobaka pataundi

Kwayedza

VATAMBI vetsiva vemuno vemumapoka akasiyana vari kufara zvikuru kuwaniswa mukana wekurwa apo shasha yeWorld Boxing Council, Charles Manyuchi, acharwira kuchengetedza bhande rake paachasangana nechizvarwa chekuFrance, Damien Martin.

Mutambo waManyuchi naMartin uchaitwa musi wa14 Gumiguru kuHarare International Conference Centre (HICC), kanove kekutanga mutambi uyu achirwa pamberi pevatsigiri vake muZimbabwe.

Vatambi vane chitsama vanoti Tinashe Mwadziwana, Trevor Mpofu, Anyway Katunga, Wesley Mcdade naTinashe Mutodza vacharwa nevatambi vakasiyana vekune dzimwe nyika pamutambo uyu.

Mpofu weboka reheavyweight acharwa naAlick Gogodo wekuMalawi,  Katunga weflyweight atatsurana naAlfred Muwowo wekuZambia, Mcdade achasangana naDonald Kamupamba mucruiserweight.

Zvakadaro, Mwadziwana – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Chairman – achatatsurana naGibon Kamota wekuZambia muboka reBantamweight.

Mwadziwana anoti zvinosimudzira zvikuru kuwaniswa mukana wakadai wekurwa pamberi pevatsigiri vavo.

Anoti ari kushanda nesimba uye anoda kutora mukana uyu kurakidza mapuromota akasiyana achauya kuzoona mutambo uyu kuti ane tarenda rinonwisa mvura seraManyuchi.

Mwadziwana akaita mukurumbira gore radarika apo paakarova mutambi wekuMalawi, Robert Kachiza, kusvika afenda.

“Vatsigiri vazhinji vetsiva vanondiziva nenyaya yekuti ndakarwa nemutambi wekuMalawi ndikamurova kusvika afenda, asi kubva panguva yacho handisati ndasvika padanho randinokodzera kunge ndave.

“Mukana wandawaniswa wekukwikwidza pamutambo waManyuchi wakakura zvekuti ndichaushandisa kurakidza pasi rose tarenda rangu. Mikana yakadai haingouye mazuva ose,” anodaro Mwadziwana.

Maneja waMwadziwana, Clyde Musonda, anoti Manyuchi mucherechedzo wakanaka kune vamwe vatambi vetsiva vemuno nekudaro vane chishuwo chekutevera matsimba ake.

 

Share This:

Sponsored Links