Zvimhingamupinyi zvovhiringa kutengeswa kwemombe

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Zvimhingamupinyi zvovhiringa kutengeswa kwemombe

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Association of Abattoirs (ZAA) rinoti bhizimusi rekutengeswa kwemombe dzenyama muZimbabwe parizvino riri kukanganiswa nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira mitemo inofanira kutevedzwa pakutengesa mombe idzi. Mitemo iyi inosanganisira yekuti munhu anenge achida kutenga mombe anofanira kunyoresa nechikamu cheVeterinary Public Health, Agricultural Marketing Authority neEnvironmental Management Agency.

Pamusoro pezvo, pakutengeswa kwemombe dzenyama makanzuru ekumaruwa ane mari yaanobhadharisa iyo inosiyana pakanzuru imwe neimwe uye inogona kuve iri pakati pe$5 ne$40 pamombe imwe chete inenge ichitengeswa.

Vanotenga mombe zvakare vanofanira kunyoresa kuAgricultural Marketing Authority nemari inozvika $150 pagore kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Apo mombe dzinenge dzobviswa padzatengwa panodiwa gwaro rebvumo rinokosha $10 uye hazviitwe pasina mvumo yemapurisa. Kana mutemo wemakanzuru wekumaruwa welevy ukavandudzwa, sezviri kutarisirwa, zvinotaridza kuti mari ichange ichibviswa nemunhu ari kutengesa mombe pamwe neanenge achitenga kusvikira pakuurayiwa kwemombe imwe chete inenge iri $110.

Chirongwa chekutengeswa kwemombe dzenyama chiri kukanganiswa zvikuru nekuda kwemitemo yemakanzuru ekumaruwa iyo iri kungonyuka. Panofanira kukumikidzwa mimwe mitemo inobvisa mutoro uripo parizvino pakutengeswa kwemombe dzenyama.

Chikamu chekutengeswa kwemombe dzenyama ichi chine mukana mukuru wekubudirira kana zvimhingamipinyi izvi zvigadziriswa nenguva.

Zvakadaro, sangano reZAA, rakabatana nechikamu cheDepartment of Livestock Production and Development, richange richipa zvidzidzo kuvarimi vadiki vanopfuya mombe dzenyama musi waGumiguru 1 kunzvimbo yeCC Sales Mt Hampden Sale Pens.

Varimi vanoda kupinda mizvidzidzo izvi vanosungirwa kubhadhara $10 iyo ichange ichisanganisira mari yezvekudya.

Share This:

Sponsored Links