Zvimwe zvikwata zviri kutitya: Coleman

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Zvimwe zvikwata zviri kutitya: Coleman CHRIS COLEMAN

Kwayedza

MURAIRIDZI weWales, Chris Coleman, anoti zvimwe zvikwata zvikuru zviri kutya kutamba navo mumitambo yehushamwari panguva iyo vakatarisana nemakwikwi eEuro 2016. Apo chikwata chake chakatarisana nekuhwina tikiti rekuenda kumutambo uyu uyo uchatambirwa kuFrance, Coleman haasi kufara nekutadza kutamba nezvikwata zvihombe zvenhabvu.

Spain, Germany neItaly zvose zvinonzi zvakaramba kusangana neWales uye parizvino vari muhurukuro neArgentina.
“Taitarisira kuti zvimwe tinogona kusangana neSpain kana Germany tomboona kuti tave kutamba zvakadii, asi ivo havasi kuda kusangana nesu,” akadaro Coleman.

“Takarambirwa kaviri kozoti Italy yaisada kutamba nesu zvachose. Tarisai mitambo yehushamwari iripo unotoona kuti zvikwata zvihombe zvinoda kutamba zvega. Zvinogumbura hazvo. Pamwe vari kutitya.

“Gore radarika takambotamba neNetherlands, saka tinoda kuramba tichitamba nezvikwata zvikuru izvi. Hatimboonekwe sechikwata chakaita seEngland, Italy kana kuti Spain saka isu tiri pakaoma pakuti tinoonekwa kunge tiri kuvakanganisa, vanotya kukundwa nesu.

“Pane runyerekupe rwekuti tinogona kutamba neArgentina gore rino. Hurukuro idzi dzave nenguva dzichiitwa uye zvinoita zvakanaka kana tikakwanisa kusangana navo.

“Kana tikabudirira kuenda kuFrance, tinofanirwa kutamba mitambo mikuru inonakidza tisati taenda kumutambo uyu. Kana taziva kuti draw reEuro 2016 richabuda sei, tichatosimbisa gadziriro dzedu.”

Wales parizvino iri pamusoro muboka ravo reGroup B uye haisati yambokundwa mumitambo misere iyo yakakwanisa kuhwina mishanu ndokuita mangange mitatu. Izvi zvaita kuti chikwata ichi chive pedyo nekubudirira kuenda kumutambo mukuru kubvira 1958.

Mumitambo miviri yavo yasara, Wales ichasangana neBosnia-Herzegovina svondo rino musi weMugovera yozosangana zvakare neAndorra mazuva matatu anotevera kuCardiff. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links