Zvimwe zvingakudze goho

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Zvimwe zvingakudze goho

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig 
SVONDO rino tinoda kutarisana nehuwandu hwezvekushandisa mumunda zvakafanana nefetiriza, mbeu uye huwandu hwembesa pahekita yoga-yoga kumatunhu akasiyana enyika, zvichienderana neongororo yakaitwa nevanoona nezvemamiriro ekunze, veMet Department. Tinoda zvakare kuona kuti chii chingatipedzere mvura iyo iri kunzi ishoma nechekare kuitira kuti zvirimwa zvishandise yose ichapinda muvhu.
Ndinoona kuti Mwari anotidisisisa, nokuti akaratidzira vanoongorora nezvekunze kuti tizive kuti kunenge kusina kunyatsotsarukana maererano nekunaya kwemvura. Izvi akazviitira kuti tishandise njere dzaakatipa kuti toita sei zvirimwa zvigokura tichishandisa mvura shoma ichanaya.

Nekudaro muchinyorwa chino tinotarisa dzimwe dzenzira dzingatibatsire kuti tikohwe mukati memwaka une mvura shomanani.
Chekutanga chatinokurudzira varimi kuti ivhu ravo ringe richiongororwa mamirire aro maererano nekutapira kana kuvawa kwaro navanamazvikokota. Izvi zvinobatsira murimi kuti azive mando yefetiriza yekushandisa nehuwandu hwayo, uyezve zvinoita kuti azive mamiriro evhu rake.

Izvi tinozvitaura kuitira kuti murimi azive kuti chinobata zvirimwa zvake kuti zvisamupe goho raanofanirwa kunge achiwana chii. Ivhu kana richinge raongororwa ngatiedzei nepatinokwanisa pose kuti tiite zvatinenge taudzwa nenyanzvi dzevhu.

Asi kana murimi atadza kuti ivhu riongororwe pane huwandu hwefetiriza hunonzi murimi anokwanisa kuisa achiwana goho riri nani. Zvisinei, izvi hazvikurudzirwi kuti murimi ange achizvidzokorora kwemwaka inodarika miviri.

Chibage chinokura zvakanaka muvhu rine pH iri pakati pe5.5 ne6.5 uye pH inogadziriswa nekuisa lime kana jipisamu muvhu. Izvi hazvingoiswa asi kuti murimi anotoudzwa mhando nehuwandu hwelime kana jipisamu yekuisa. Tinoona kuti ivhu ragadziriswa pH rinobatsira kuti mafetireza anyunguduke kuitira kuti zvirimwa zvitore fetireza ichishandiswa mukukura kwezvirimwa.

Midzi yezvirimwa zviri muvhu rine pH yakagadziriswa inokura yakaregerera ichidzika pasi, asi yeiya iri muvhu risina kumira zvakanaka inongoungana panzwimbo imwe chete chirimwa chotadza kukurawo. Tichazoita dzidzo yakanatsokwana maererano nesoil pH muzvinyorwa zvinotevera.

Midzi iri yakafananuka muvhu inobatsira kuti apo mvura painombotiza midzi yakanatsakudzika pasi pakarimwa zvakanaka, pane pH yakagadziriswa, pari kushanda fetireza zvakakwana uye pane mvura yakadzika pasi, chirimwa chacho chinonyatsopa goho rakanaka mumwaka wekushomeka kwemvura. Fetireza yepasi: Tinokurudzira kuti ivhu risina kuongororwa munokwanisa kuisa 350kg kusvika pa400kg (ave 375kg/ha) kana muchidyara zvirimwa zvechibage zvinosvika pa40 000 pahekita munenge muchiisa 9g yefetireza yepasi inonzi “D” mugomba roga-roga. Muvhu rakasimba munoisa kubva pa450kg kusvika pa550kg (ave 500kg/ha) pahuwandu hwembesa dzimwe chetedzo. Muvhu rejecha munoisa 12g yefetireza imwe cheteyo mugomba roga-roga. Tichazotsanangura madyarirwo echibage muchinyorwa chirikutevera.

Huwandu hwefetireza uhu hunotibatsira kuti zvirimwa zviwane fetireza yakakwana kuitira kuti midzi idzike pasi, mashizha okura pamwe nekusimba kwemagunde.

Mbeu: Ngatimbotarisei mawandiro embeu dzatinofanira kutenga. Tinoziwa kuti nzvimbo dzedu dzinonaya mvura zvakasiyana-siyana. Nekudaro zvinokurudzirwa kuti tidyare mbeu ine huwandu hunokodzera nemanairwo emvura mumatunhu edu. Zvirimwa zvinokura nekutora mvura kubva muvhu, zvichireva kuti kana zvakawanda zvinotorawo mvura yakawanda kana zvadererwo pahekita zvinenge zvava kutorawo mvura shoma. Mvura iyi inenge yava kugara kwemazuwa akati wandei zvirimwa zvichikura. Tinoda kuti murimi azive dunhu raanobva otaura nemurimisi wake weAGRITEX kuti adzidziswe manairo emvura pamwe nekureba kwemwaka. Izvi zvichabatsira kuti uchatenga mbeu yerudzii uye inoibva mumazuwa achange aine mvura mudunhu menyu.

Kune avo vanorima kune mvura yakawanda, murime mbeu dzechibage dzinoita 40 000 mbesa pahekita, tinokurudzira kuti murime mbeu dzenzou, shumba nembizi mumatunhu iwaya. Avo wari munzvimbo dzine mvura iri pakati nepakati munorima mbeu dzechibage dzinoita 32 000 mbesa pahekita. Matunhu aya tinokurudzira kuti mbeu dziri muchikwata chetsoko, mbizi neshumba. Kuzoti avo vari munzvimbo dzine mvura shomanini munorima mbeu dzinoita 24 000 pahekita, dzinosanganisira tsuro, tsoko nembizi.

MAKWIKWI:
MUCHINYORWA choga-choga tichabvunza mibvunzo ichahwinhisa varimi mibairo inofadza zvikuru kusanganisira mbeu. Muvhunzo wesvondo rino unoti: Chii chinobatsira kuti mafetireza anyatsoshanda nekuti midzi yezvirimwa ikure yakafaranuka ichidzika pasi? Nyorerai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvose zvinodiwa. Kuti muzive zvakawanda, chayai nhare pa 0773 296 072

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>