Zvimwe zvinoderedza goho

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Zvimwe zvinoderedza goho

Kwayedza

Charles Munyoro

TINOKUCHINGAMIDZAI varimi pachirongwa cheMudhumeni Mukuru. Svondo rino tinokurukura nezvimwe zvezvinhu zvinoderedza goho redu. Ishuviro yedu yekuti kurima ibhizimisi saka goho rinoda kuvandudzwa kuti tikwanise kudzokera kunorima mwaka unotevera.

Kusamera zvakanaka kwembeu:

Minda isina kurimwa zvakanaka, ine mavhinga asina kutsetseka, inotadzisa kuti mbeu idyarwe mugomba rakafanira (2-5cm) zvichienderana nerudzi rwembeu iri kudyarwa.

Mavhinga anokonzera kuti mbeu imere apo neapo zvakasiyana-siyana pamwe pacho isingatomeri nekuti inogona kusara iri pachena imwe ichitodyiwa nehudyi hwakaita sembeva kana shiri. Saka varimi tinokurudzira kuti nzira yatasarudza yekurima ive inoita kuti mbeu nefetereza zviiswe mugomba rakafanira zvisingabatanidzwe sezvo fetereza ichipisa mbeu.

Donzvo rekurimazve nderekuti tisanganise ivhu nemashanga akasara patakakohwa mbeu yemwaka wakapfuura, mbeu dzedu dzikure zvakanaka, kuuraya masora mumunda uyezve kuuraya zvipembenene nezvirwere zvingadaro zvirimo. Hunyoro hushoma hunogona kutadzisa mbeu kumera zvakanaka. Ngatidyarei kana mvura yanaya yakawanda zvinopfuura 30mm mumazuva matatu akateedzana. Kune avo vane madiridziro, munokurudzirwa kudiridzira kuti mbeu yenyu imere zvakanaka. Mvura imwe inogona kurovera mbeu pasi dzotadza kumera, kunyanya ivhu risina kudzika nevhu riya rakaomarara. Ivhu jecha rinoda kugara richiwana mvura nguva nenguva sezvo risingagone kuchengetedza hunyoro saka zvinoda kuti tidyare nemvura ine huwandu hwatataura ichangobva mukunaya uye tisapedza mazuva akawanda tisati tadyara.

Kupisa kwekunze kunogona kutadzisa mbeu kusamera zvakanaka. Kupisa kunodiwa kuti chibage chimere zvakanaka i18 kusvika 21 degrees celsius.

Kana kupisa uku kukadzika pasi pe13 degrees celsius, kumera kwechibage kunodzikira zvakanyanya. Kana kupisa kwekunze kwasvika pa10 degrees celsius, chibage hachichameri.

Kupisawo kwekunze kunodarika 40 degrees celsius kunokonzera kufa kwechibage chinenge chamera.

Mishonga yesora inogona kutadzisa mbeu dzedu kumera kana tisina kuishandisa zvakanaka.

Kana tikashandisa mushonga wakawandisa pane unokurudzirwa, mushonga usiriwo kana kuti tikashandisa mishonga kunopisa nekusiri kunaya, zvinogona kutadzisa kumera kana kupisa mbeu dzedu. Mishonga yesora yakakoshera kuti inovandudza goho ikashandiswa pakati pekudyarwa kwembeu kusvika masvondo masere mumunda musina sora. Masora anokwikwidzana nembesa kudya chikafu, anounza zvipembenene nezvirwere  kumbesa.

Kushandisa mbeu dzisina kuuchikwa: Vamwe varimi vari kushandisa mbeu dzemudura pakudyara. Mbeu idzi dzinenge dzisina kuchengetwa zvakanaka zvinozotadzisa kumera.

Mbeu iyi inogona kunge yakabviswa mumunda isina kusvika zvakanaka kana kuti yaora kana kutsva zvakanyanya.

Zvose izvi zvinokonzera kuti mbeu isamere zvakanaka. Kurudziro yedu ndeyekuti mutenge mbeu dzakauchikwa nenyanzvi yenyu Seed Co. Nekuti kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co. Iyi mbeu ine humbowo hwekumera. Gore rino kune mvura yakawanda saka ngatishandisei mbeu chaidzo dzinoenderara nematunhu edu.

Kuiswa kwemafetereza:

Goho redu riri kuderedzwa nemaisiro atiri kuisa mafeteraza.

Vamwe vedu vari kuisa fetereza yepasi kana chirimwa chamera. Zvinoda kuti tiise fetereza yepasi nguva yatiri kudyara. Fetereza inoiswa kure kwembeu kuti isapise mbeu.Varimi vanokurudzirwa kuti vaongorerese ivhu ravo kuti vazive huwandu wefetereza inodiwa mumunda mavo. Mupimo wefetereza inokurudzirwa ndeiyi yatinoona pazasi.

Kuvandudza goho nehuwandu hwembeu pachindima:

Kuti murimi awane goho rakanaka, anofanira kurima mbeu inoenderana nedunhu rake.

Matunhu edu anonaya mvura yakasiyana-siyana. Zvakadaro, huwandu hwembeu pachindima hunoenderana nekuwanda kwemvura mudunhu rega-rega. Heuno mufananidzo wehuwandu hwembeu yechibage hunoenderana nechindima chehekita:

90cm inter-row x 30cm in-row(1 seed pagomba ) = 37 000 plants/ha

90cm inter-row x 25 cm in-row(1 seed pagomba) = 44 000 plants/ha

90cm inter-row x 20 cm in-row(1 seed pagomba) = 55 000 plants/ha

90cm inter-row x 60 cm in-row(2 seeds pagomba) = 37 000 plants/ha

90cm inter-row x 50 cm in-row (2 seeds pagomba ) = 44 000 plants/ha

90cm inter-row x 40 cm in-row (2 seeds pagomba) = 55 000 plants/ha

Kana tichidyara mbeu yechibage kusinganaye mvura yakawanda, (Region 4 ne5), ngatidyarei mbeu yeTsuro Sc 301 neTsoko Sc 403, toshandisa huwandu hwepakati pe37 000 plants/ha ne 44 000 plants/ha.

Kunonaya mvura iri pakati nepakati (Region 2b ne3) ngatishandisei Mbizi Sc 513, Sc 533 neSc529, Shumba Sc 627, Sc 633 neSc 637 toshandisa huwandu hwe44 000 plants/ha kusvika pa55 000 plants/ha.

Kunonaya mvura yakawanda(Region 1 ne2) ngatidyarei Shumba Sc 627, Sc 633 neSc 637 uyezve Nzou Sc 719 neSc 727 toisa huwandu hwe55 000 plants/ha.

Ngatidyarei mbeu yedu nenguva.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU. KUTI MBEU NDOOKUTI SEEDC CO.

Share This:

Sponsored Links