Zvingangouya pabvunzo

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
SVONDO rino tinopedzisa kukupai ongororo yezvidavado zvinoshandiswa nemunyori waMavanga Orudo pamwe chete nemibvunzo yamungangoshandise pakuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangana nebhuku irori.

Zitadunhurirwa:

Mapurisa aidaidzira achiti, “Jean Claude van Dem! Jean Claude van Dem!” p.144 Zvinoburitsa kurwa kwakanyanyisa kwaiitwa naStanley zvinoita kuti apihwe zita iri rinofanana nenyanzvi yezvibhakera yemumafirimu.

Monya – aive nezimuviri rakakurisa achiratidza kuti akasimba.

KK – zita iri rinoenderana nemabasa aaiita ekuda vanhukadzi vemumabhawa.

Mutauro wekutuka:

Vheremu anotuka Stanley kuti, “Pfutseki!” p.174

Hope/zviroto:

Stanley anenge achirota chinhu chaiuya pedyo naye chichiti akacheuka kuti achiongorore chobva chamhanyira kure chichidzika chakananga kurwizi chopinda mugwindingwi rakati tsva. Pachakadzoka rwepiri, akaedza kuchimhanyisazve asi chakangodzokera kunopinda mugwindingwi muya. Akabva atanga kutiza achienda kumba ndokuedza kuchema achida rubatsiro asi anokundikana kuburitsa mazwi. Akazogona kuridza mhere, pakarepo ndokupepuka p.36.

Pamwe pacho anorota achivingwa kuhope naBeaula asi achiuya seshiri. Beaula anoshanduka kuita shiri otanga kudana Stanley kuti amutevere mumuti maaive asi Stanley wacho achikundikana sezvo aibva aporomoka. Hope idzi dzakamutambudza kusvika ave kuchema.

Fungiramumwoyo:

Stanley anotanga kuita fungiramumwoyo paanoona missed call yaibva kuna Beaula p.1. Stanley anoita fungiramumwoyo paanofonerwa naBeaula achiziviswa nezveshamwari dzake dzainge dzaita tsaona mumugwagwa. Anobva kuGweru achingoita fungiramumwoyo yekudzima kwenhare yaBeaula pamwe chete netsaona yeshamwari dzaBeaula.

Mibvunzo:

  1. Buritsa zvinogutsa, kuwirirana kunoita musoro webhuku nerunyaya rwurimo.
  2. Tsanangura zvinogutsa matanho anotorwa nembavha dzinoba mari paC and T Private Limited kuti dzisabatwe nemaodhita pamwe chete nemapurisa.
  3. Buritsa matambudziko anosangana naStanley mukutsvaga Beaula ugojekesa kuti anokunda sei matambudziko acho.
  4. Tsanangura matanho anotorwa naStanley mukutsvaga Beaula uyo ainge apambwa nemhondi ugoyanika pachena kuti danho rega rega rakamubatsira nenzira dzipi.
  5. Buritsa ugoyanika pachena matambudziko anowira vanhukadzi munyaya iyi.
  6. Rondedzera kupindirana kunoita nzvimbo, nguva nerunyaya kuti zvizoumba nyaya inotendeseka.
  7. Wakatarisa nyaya iyi ndedzipi dzaungati ndidzo ngwavaira dziri kutambudza vanhu muzuva ranhasi?
  8. Tsanangura zvinogutsa mitoo yakashandiswa nemunyori kuburitsa mhangwa dzake pachena.
  9. Uchinyatsotsanangudza zvinogutsa uye uchipa tsigiro dzinogutsa, ipa zvaunoona zvakatokonya munyori uyu kunyora runyaya rwakadai.
  10. Sarudza madingindira matanhatu kubva munyaya iyi ugotsanangura kuti anopindirana zvakadii nehupenyu hwanhasi uno.
  11. Zviito zvevanhurume ndizvo zvinovhiringidza nokushungurudza upenyu hwevanhukadzi. Unotii nepfungwa iyi? Tsigira zvizere.
  12. Sarudza madingindira matanhatu anobuda mubhuku iri ugoburitsa dzidziso dzemunyori kubva mumadingindira acho.
  13. Ndezvipi zvinhu zvinosuwisa zviri kuburitswa munyaya iyi?

Aya ndiwo magumo aMavanga Orudo. Svondo rinouya tinotanga ongororo yerimwe bhuku renganonyorwa ramuri kudzidza gore rino.

Share This:

Sponsored Links