Zvinoda ane chido: Juul

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Zvinoda ane chido: Juul

Kwayedza

Abel Ndooka —
AIMBOVE mutungamiriri wesangano reZimbabwe Football Association (Zifa) – Trevor Carelse-Juul – anoti kuti nhabvu yemuno ibudirire inofanirwa kutungamirirwa neshasha dzakambotamba mutambo uyu idzo dzine chido chekuti inge ichisimukira.

Muhurukuro neKwayedza svondo radarika, Juul – uyo aive muyenzi anoremekedzwa pamabiko ekuparurwa kweJaphet “Short Cat” Mparutsa Foundation muHarare – anoti vatambi vakaita mukurumbira vanofanirwa kupihwa mukana wekutungamira nhabvu muZimbabwe.

“Chokwadi hapambodiwe zvakawanda, chiri kungodiwa chete kuti vakambotamba nhabvu vaonekwe vachitungamira vachipinda pazvigaro zvikuru zvenhabvu nekuti vane ruzivo nemutambo uyu.

“Izvi ndiri kuzvitaura nekuti munhu wenhabvu anoziva zvinoitika mumutambo uyu uye ane ruzivo runobatsira chaizvo kuti uende kure. Vanhu vakaita saMparutsa nevamwe ndivo vari kufanirwa kunge vachitungamira nhabvu nekuti ruzivo rwavava narwo uye makore avagara kunze kwenyika ndine idi kuti zvinobatsira chaizvo mukusimukira kwenhabvu yeZimbabwe,” anodaro Juul.

Zvakadai, Mparutsa mumwe wevatambi vakanetsa zvikuru achitambira Dynamos, Black Rhinos nemaWarriors.

Asi panguva yake nhabvu yaisabhadhara sezvaye kuita iye zvino.

Muchinda uyu ari kubatsira chaizvo kusimukira kwenhabvu kuburikidza neboka rake reJaphet ‘Short Cat’ Mparutsa Foundation raakaumba.

Juul anoti anorumbidza basa riri kuitwa naMparutsa mukusimudzira nhabvu uye anokurudzira vamwe vatambi vakaita mukurumbira kuti vatevere matsimba ake.

“Basa riri kubatwa naShort Cat ndinorirumbidza zvikuru nekuti vashoma vanozviita kana kufunga vamwe, asi Short Cat ari kurangarira kwaakabva.

“Hapana chaakawana kuburikidza nenhabvu sezvo panguva yaakatamba mutambo uyu waisabhadhara, vaingotamba nhabvu nekuti vaiida izvo zvasiyana nevatambi vemazuva ano.

“Asi chinoshamisa vemazuva ano vamwe vacho vari kutambira mazimari akawanda hapana kana zvavari kuita zvinobatika zvekusimudzira nhabvu. Chavanofunga kutenga zvinhu zvisina basa, zvekuita zvemafaro chete asi kuti vasimudzire nhabvu sezviri kuita nevamwe hazvimo mupfungwa dzavo,” anodaro.

Juul akave chamangwaiza weZifa kubva 1989 kusvika 1993 uye akamboedza kudzoka kuzotungamira sangano iri mugore ra2014 asi akakundwa pasarudzo naCuthbert Dube.

Muna 2015, Juul akazama noto zvakare zvikaramba sezvo akakundwa naPhilip Chiyangwa uyo ari kutungamira Zifa parizvino.

Share This:

Sponsored Links