Zvinoderedza goho: Chikamu II

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zvinoderedza goho: Chikamu II

Kwayedza

Simba Gotosa

ZIMBABWE inyika ine upfumi hwakasimbirira mukurima saka taona zvakakosha kuti hurukuro yekukwiridzira goho remurimi irambe ichiongororwa.Mbeu yechirimwa zvairi kana zita rayo handizvo zvakakosha kumurimi asi kuti  mbeu iyi zvainoitira murimi kana yarimwa ndizvo zvakakosha. Zvimwe zvezvikuru pakusarudza mbeu ndezvinotevera:-

Kushingirira muzuva: nemasiyaniro aita mwaka mbeu inosarudzwa inofanira kupa goho chero kukapisa.

◆ mbeu inoshingirira muzvirwere.

◆ mbeu isingapfukutwe iri mumunda.

◆ mbeu ine goho riri pamusoro.

Kuti murimi awane goho riri pamusoro:

i) Anofanira kumwaya fetereza inoenderana nezvakabuda pakaongororwa ivhu rake.

ii) Anofanira kusarudza mhando yembeu inoenderana nenzvimbo yaanorima ari.

iii) Mbeu inofaanira kudyarwa panotagira mwaka chaipo uye inofanirwa kudyarwa neuwandu hwakabva muongororo.

iv) Zvinokanganisa mbesa semasora, zvirwere nezvimbuyu zvinofanira kudzivirirwa.

Zvimwe zvakaongororwa zvinoderedza goho remurimi ndezvinotevera:

Hudyi nemakonye emuvhu — hudyi hwemuvhu hunokanganisa kumera kwembesa zvakanaka, varimi vanokurudzirwa kusanganisa mbeu dzavo nemushonga vasati vadyara, ingava mbeu yechibage, soya beans, gorosi kana sugar beans.

Mishonga inokurudzirwa inosanganisa Gaucho, Cruiser, Captain, Thiram neApron Star. Mishonga iyi inodzivirira zvirwere uye umwe hudyi hunokanganisa kumera zvakanaka kwembesa.

Humwe hudyi hunokanganisa huwandu hwemadzinde mumunda, makonye anonzi macutworms. Macutworms makonye matema anowanikwa muivhu anodimbura mbesa dzichangobva kumera izvo zvinokanganisa huwandu hwemadzinde pandima.

Makonye aya anogara muivhu achidya murakwani kana kuti huswa nembesa dzichangomera.

Kudzivirira makonye aya, varimi vanokurudzirwa kushandisa mimwe yemishonga iyi: Carbaryl 85% WP, Fenvalarate, Karate neDecis.

Mishonga inogona kushandiswa yakasanganiswa nemishonga yesora, iya inoshandiswa sora risati rabuda. Mushonga weCarbaryl 85% WP unosanganiswa neupfu zvokandwa kandwa mumunda makonye odya achifunga kuti upfu.

Varimi vanokurudzirwa kutenga mbeu kuzvitoro zvinokurudzirwa nevarimisi veSeed Co vari mudunhu mavo.

Ngavaongorore kuti mbeu yavo haina kupfukutwa vasati vadyara uye yakasara gore rapera inofanira kuva yakachengeterwa pakanaka.

Chimbuyu cheLarger Grain Borer chinogona kukanganisa mbeu iri mumba asi kana zvavhiringika, mushonga weActellic Gold ngaushandiswe kudzivirira zvipfukuto.

Kusaongorora planter yatinoshandisa zvinogona kuderedza goho remurimi nekuti inogona kukanda tsanga shoma kana dzakawandisa pandima.

Varimi vanoshandisa planter inodhonzwa nemombe vanofanirwa kutaridza murimisi weSeed Co plate yeplanter yavo ndokuti vaudzwe kukura kwembeu yavanofanira kudyara. Murimi akaisa maround muplanter ine plate yemaflat, painotenderera inokuya mbeu yose zvokanganisa goho.

Kusachinjanisa mbeu mumunda (rotation) zvinodzikisira goho remurimi nekuti murimi akarima chibage mabva chibage zvirwere netumbuyu tunovhiringidza goho tunobva twawanda, kudzivirira kuyerera kwevhu repamusoro (topsoil) kunobva kwanetsa asi riri iro rine kudya kunodiwa nezvirimwa. Uyewo kudzivirira kuvakika kweivhu (soil structure) kunobva kwanetsa zvekare.

Midzi yembeu dzakaita sechibage, fodya, nesoyabeans kana sugarbeans yakasiyana saka inoshunya ivhu zvakasiyana uye inotora hunyoro kubva muivhu. Zvinhu zvakatoongororwa kuti kusachinjanisa mbesa kunoderedza goho.

Varimi vanokurudzirwa kuti pabva soyabeans kana sugarbeans poinda chibage pabvawo chibage poinda fodya zvichifamba zvakadaro.

Huwandu hwefetereza inomwaiwa muchirimwa hunogonawo kuderedza goho.

Pane zvakawanda zvinokanganisa kutorwa kwefetereza nezvirimwa zvinosanganisa zvinotevera:

a) Kuramba kunze kwakangokwidibira kwengua yareba

b) Imwe mishonga yesora inovhiringa kutorwa kwefetereza

c) Kusununguka kweivhu

d) Kuvava kana kutapira kweivhu

e) Kugara ivhu rakanyorova kwenguva refu

f) Ivhu rine oxygen shoma

g) Chirimwa chine midzi isina kukura zvakanaka uye tumbuyu nezvirwere zvinovhingidza midzi nemadzinde ezvirimwa.

Kushomeka kwefetereza inotorwa nezvirimwa kunokonzerwa nefetereza shoma inenge yamwaiwa, mvura ikanaya yakawandisa inogonawo kusuka fetereza kudzika pasi kusingasvikirwe nezvirimwa uye kugara munda wakangozara mvura.

Feterza ikamwaiwa zvineuyanga inopisa mashizha embesa ayo avova factory yekugadzira kudya kwechirimwa.

Varimi vanenge vashandisa fetereza yepamusoro yeUrea inofanira kufutsirwa uye inofanira kushandiswa mvura yanaya yakawanda, ikasiiwa iri pamusoro peivhu inoruza ukasha hwayo hwekubatsira chirimwa.

Kurudziro kuvarimi:

Mune chikamu chapfuura takakurudzira varimi kuti vashandise mishonga yesora kuti goho ravo rikwirire asi mishonga iyi inofanira kushandiswa zvine mwero yakanyorwa pamabhodhoro kana zvigubhu zvacho.

Mishonga iyi ikaiswa yakawandisa inokanganisa kukura kwemidzi, inogona kupisa mashizha uye inokanganisa kukura kwezvirimwa.

Kuvhiringidzwa kwezvirimwa kunoitika pakumwaya mishonga muivhu kana kuti mushonga unogona kupupuruswa nemhepo kuenda kwausingadiwe kana kuti unogona kuva wanga wagara uri muivhu kwenguva refu.

Varimi vari kunonaya mvura yakawanda vanokurudzirwa kurima mbeu dziri muzvikwata zvakasiyana-siyana.

Tikatora murimi ane 3ha anogona kurima SC727, SC637, SC529 imwe neimwe pahekita. Kune vari kunzvimbo dzinonaya mvura yepakati nepakati, ngavasimbirire kumbeu dzakaita seSC637, SC633, SC513, SCSC529, SC533 kana zvaoma SC403 neSC301. Varimi vari kunopisa ngavashandise vana SC513, SC529, SC533, SC403 neSC301.

Izvi zvinoitirwa kuti ukasanganisa mbeu unowana imwe inobuda zvobatsira murimi.

Muzvikamu zvinotevera ticharamba tichipana zvinhu zvinovhiringidza goho, varimi vogara vakazvingwarira.

Ndiko kuti nyika yedu ive nekudya kwakakwana uye tichizokwanisawo kutengesera dzimwe nyika. Seed Co iri kukuburitsirai chirongwa cheTalking Farming neChipiri chega-chega paterevhizheni yeZTV nenguva dza17:30-18:30kusvika kupera  kwaZvita.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Share This:

Sponsored Links