Zvinofungwa pamusoro pewanano

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo —
SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association (Zwla) riri kusvitsa makore 25 ravambwa gore rino uye kubvira makore adarika, riri kubatsira vanhu zvikuru pamusoro penyaya dzemitemo neruzivo rwakadzama.

Chinyorwa chino chiri pamusoro pezvinofungwa nevamwe vanhu maringe newanano asi zvisiri izvo zvinotarisirwa kunge zvichitiika.

1. Zvangu ndezvako, zvako ndezvangu:

Zvakakosha kuziva kuti midziyo yakatengwa nemunhu asati ava muwanano ndeyake iye pachake. Somuenzaniso, vanhu vanogona kutenga imba yonyoreswa muzita remurume, pamutemo midziyo iyoyo inenge iri yemurume kunze kwekunge yakanyoreswa muzita remurume nemudzimai.

Kuti muzive zvizere maringe nekugoverwa kwemidziyo yewanano verengai bepanhau reThe Herald remusi wa19 Gumiguru padandemutande rinoti <http://www.herald.co.zw/right-to-property-purchased-during-civil-marriage/>.

2. Vanhu vanenge vari kugara vese kwenguva yakati kuti pamutemo wewanano isina kunyoreswa (Unregistered Customary Law Union) vanotorwa sevari muwanano chaiyo:

Zvakakosha kuti titange takurukura zvizere maringe newanano dzisina kunyoreswa uye dzinoonekwa sewanano bedzi mune zvimwe zvikamu zvemutemo. Zvikamu izvi zviriko uye pane mikana yekuti mendenenzi inge ichirehwa, nhaka pamwe nepenjeni. Kuti munzwe zvizere verengai zvakare bepanhau reThe Herald romusi wa16 Gunyana 2015 padandemutande rinoti <http://www.herald.co.zw/rights-of-women-on-dissolution-of-unregistered-marriages/>.

Mutemo unotarisa wanano zvichienderana nezvakanyorwa mumagwaro asi kana vaviri vachiona kuti wanano iyoyo haichashanda, hazvizofambirani nemutemo. Somuenzaniso, kana vanhu vakaregedza kunotora magwaro chaiwo ekuti vave muwanano zvinoreva kuti wanano iyoyo haitariswi. Saka pamutemo kuitira kuti wanano yechivanhu inge ichitariswa, murume anofanira kuenda kunoroora pachibviswa rusambo neroora. Mari iyi inogona kusabviswa yese asi zvakakosha kuti chikamu chayo chinge chichibviswa.

Vamwe varume vanobvisa tsvakirai kuno nekuda kwekuti vanenge vakamitisa vakatizirwa asi kana pasina rusambo vemhuri yekumukadzi havagutsikane kuti mave kugara semurume nemukadzi.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vakagara vese kwemakore 40 kana kudarika, vakaita vana nevazukuru zvekuchembedzana, wanano iyi inenge iri yemapoto nekuti panenge pasina kubviswa kwepfuma.

3. Kana wanano ikaparara nekuda kweupombwe, midziyo inogovewa:

Chikamu chemutemo cheSection 4 cheMatrimonial Causes Act Chapter 5:13 chinoda kuti titaure zvikonzero zvekuparara kwewanano uye dare harina munhu warinopomera mukuparara kwayo. Hakuna munhu anopihwa chirango chekuti wanano yapararirei nedare. 4. Anenge anyora magwaro ekuramba mumwe wake anozobatsirawo mukumuchengeta:

Vanhu vazhinji vanofunga kuti imhosva kunyora magwaro ekurambana, asi kwete. Dare rinonwisisa kuti wanano inogona kuparara uye hakuna munhu anosungwa nekuda kwekuti anoda kubuda muwanano.

Kuti munzwe zvizere maringe nekuchengetwa kwemunhu waunenge wasiyana naye muwanano verengai bepanhau reThe Herald remusi wa8 Kurume 2017 padandemutande rinoti http://www.herald.co.zw/can-parties-continue-to-support-each-other-after-divorce/.

5. Kuchengetwa kwevana:

Zvakakosha kuti kuti vanhu vazive kuti kazhinji kacho kodzero yekuchengeta kana kugara nevana inopihwa kuna amai, zvikuru sei kana vachiri vadiki. Izvi zvinofambirana nemitemo inoona nezvekuchengetwa kwevana iri muchikamu cheSection 5 of the Guardianship of Minors Act apo vabereki vanenge vari vapenyu asi vakarambana. Amai ndivo vane kodzero yekuchengeta vana kana dare richinge razvibvumira. Kunyangwe zvakadaro, izvi hazvirevi kuti baba havana kodzero yekuchengeta vana.

Pasi pemutemo weSection 81(2) webumbiro remutemo wenyika Constitution Zimbabwe Act 20 of 2013, zvakakoshera vana ndizvo zvinotariswa. Kana dare richinge raona kuti amai ndivo vakakodzera kugara nemwana zvakanaka, rinovapa mvumo. Asi kana vari baba vakakodzera zvinoitwa saizvozvo.

6. Roora rinofanira kubviswa:

Roora remuZimbabwe rinofanira kubviswa zvine gwara zvichienderana netsika dzedu dzechivanhu nekuti kana risina kubviswa panenge pasina roora. Vamwe vanouya vachikumbira kuti Zwla inge ichimanikidzira vakuwasha vavo kuti vabvise roora zvinove zvisingakwanisike.

Chokwadi ndechekuti wanano haimanikidzwi.

7. Kuchengeta mudikanwi kunotariswa kumativi ose:

Pane pfungwa isiri iyo yekuti mudzimai ndiye bedzi anochengetwa nemurume zveupenyu hwese. Asi mutemo unotarisa mativi ose kuti uone kuti ndiyani anoda kubatsirwa nekudaro kana murume anogona kuchengetwa nemudzimai mushure mewanano. Kuti muzive zvizere maringe nekuchengetana mushure mekuparara kwewanano verengai bepanhau reThe Herald romusi wa8 Kurume 2017 kana kuverenga padandemutande rinoti <http://www.herald.co.zw/can-parties-continue-to-support-each-other-after-divorce/>. Tinovimba kuti madzidza zvakawanda kubva kuchinyorwa chino. Makorokoto nemwedzi uno unotarisa nezvenyaya dzemadzimai!

 

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehot line dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey