Zvinogoneka chete neSeed Co

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Zvinogoneka chete neSeed Co

Kwayedza

Simba Gotosa—

ITARISIRO yedu sekambani yenyu yeSeed Co kuti pari zvino murimi wese akatodyara zvirimwa zvaanga akanangana nazvo mwaka uno uye kuti mava kungorwa nekuchengetedza mbesa dzenyu kubva kumasora uye makonye adai kunetsa aya.

Zvinhu zvakakosha kuti murimi azive masora anonetsa muminda make. Kana musingaazive, pamunonotenga mishonga, dzurai sora racho monoratidza  vanamazvikokota vemishonga yesora kubva kumakambani anozivikamwa. Apa ndipo pamunozotenga mishonga inopedza dambudziko renyu.

Mvura iri kuramba ichinaya zvinokonzera kuti kusakura kunetse nekuti munenge muchingodyara sora muchipererwa nemari, dambudziko risingagadzirike. Saka ndipo panobatsira mishonga iyi.

Varimi tinokukurudzirai kuti pamunoenda kumakambani aya, ibvai manovapa dambudziko renyu ivo vokupai mhinduro inokodzera kwete kusvika muchingoti munoda mushonga wakati. Ko kana usingapedze dambudziko renyu? Ngatirege kutenga mishonga yepasi pemiti nokuti tinogona kuzopisa mbesa dzedu.

Pazvikamu zvakapfuura takataura kuti mbeu dzedu dzeSeed Co dzinoshivirira muzvirwere, uye hadzipunzike nhando muminda. Izvi zvava kutsigirwa navarimi vanofona pazvirongwa zvatinotsigira pachivhitivhiti, cheTalking Farming neChipiri chega-chega uye cheFarmers Forum paStar FM zuva rimwero na8 manheru.

SeSeed Co, tine varimisi vanogara mumadhorobha makuru emumapurovenzi edu avo vane basa guru rekutengesa mbeu nekuramba vachishanyira varimi vachivapa ruzivo runokodzera nguva yega-yega.

Nguva ino sezvo mbeu dzedu dzeSeed Co dziri kuita zvakanaka, varimi vanokurudzirwa kuramba vachitaura nenyanzvi dzedu idzi kuti vachizoronga vese makungano ekuonesana zvirimwa achazoitika munguva pfupi iri kuteera. Idonzvo revhiki rino kuti kana mishonga yesora yashandiswa zvakanaka nemwero, makonye aurawa nembeu dzeSeed Co, zvinoita chete nekuti mvura iri kunaya zvakanaka chero zvavo vamwe vava kuti yava kuwandisa.

Muchikamu chino takaona zvakakodzera kuti tinzwewo maonero ari kuitwa mbeu dzedu nevarimi uye kuti masangano evarimi ari kutii nezvavari kuona.

Mashoko ari kubva kuhofisi yaExecutive Director weZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, anoti mbeu dziri mumunda dzeSeed Co dzakagadzirirwa kuzadzisa zvido zvevarimi, goho riri pamusoro chiri icho chichemo chiri pamusoro chiri kugadziriswa. Vari kuti ivo ndidzo mbeu dziri kunyanya kudiwa nevarimi.

Vanoti ivo chinhu chinokosha kuva nemadzinde anokurudzirwa pandima yega yega, semuenzaniso SC727 neSC719 dzinokurudzirwa 50 000 madzinde pahekita.

Saka kubva pamamerero emhando dzembeu dzeSeed Co, varimi vane tarisiro yekuwana goho riri pamusoro.

Panyaya yegoho, mbeu dzeSeed Co dziri kukurira dzimwe dzese dziri kutengeswa izvo zviri kubuda pamhando yakaita seSC727 iyo yaramba iri pamusoro negoho riri padhuze pe16t/ha.

Vari kuti varimi vadiki vari kuwanawo uye vari kutarisira kuwanawo goho rakanaka nembeu dzakaita seSC301, 403, 513, 529 ne533.

Nekusanduka kuri kuita mwaka, vari kuti Seed Co yatungamira mukuuchika mbeu yeSC301 iyo inokasikisa kuibva uye mbeu idzi dziri kuonekwa dzichishivirira  muzuva.

Mbeu idzi dzinoonekwa dzichishivirira muzvirwere zvinozopa kuti varimi vamwaye mishonga kashoma zvorega kukuvadza homwe dzavo.

VaZakariya vanopfuurira mberi vachiti avo vanoda zvekugocha vari kumhanyira SC727 neSC719 iyo yavanoti vamwe voiti (Cassa Banana) neSC608 (Fire Cracker) muchiRungu.

Vanotizve apa varimi vanoda kutapira kwadzo uye kugara kwenguva refu vachitanha chisina kuipa. Vazopendera vachiti mbesa dzakaita seSC627, 633, 637, 719 ne727 dzakakasika kudyarwa dzakamira zvakanakisa muminda uye kuti hapana chipingidzo chichatarisirwa kumisa goho repamusoro ravava kutarisira.

SeSeed Co, tine zviedzwa zvatakadyara takabatana neZFU munzvimbo dzakasiyana-siyana dzaticharamba tichishanyira tese tichizounganidza varimi ipapo tichizopana ruzivo rwekurima — Seed Co nemasangano evarimi ihochekoche chaiyo.

Muchikamu chino mukutsigira donzvo redu  revhiki rino rekuti zvinogoneka chete neSeed Co, takazonoona VaGombera, farm manager vepapurazi hombe reART Farm riri pedyo neHarare kuti vatiudzewo maonero avari kuita mbeu dzedu kubva pakudyara kusvika pari zvino.

Munhaurwa yedu navo, vanoti pamakore makumi matatu apfuura, vanga vachiwana mvura inoita 840mm asi mwaka uno kusvika pari nhasi vawana mvura yava kusvika  1 103mm. Vari kuti manairo emvura ari kuvafadza zvokuti vari kutarisira goho repamusoro.

Munda wavakadyara SC719 neSC727 vakatanga vaumwaura neripa ndokubva vadyara pamaraini avhurwa acho nekuzopedzisira nerola kuitira kuti mbeu neivhu zvinyatsobatana.

Fetereza yapasi vakaisa 275kgs/ha (6.28.23) uye vakadyara madzinde 52 000 pahekita. Vanoenderera mberi vachiti mushure mekuwana mvura yekutanga musi wa11 Zvita, vakamwaya mushonga wesora weMetalachlor nehuwandu hunoita 1.9l/ha uye chibage chabuda vakazoisa mushonga wepamusoro aTrazine 2l/ha neLasso 3l/ha.

Vakasanganawo nedambudziko remakonye efall armyworm apo vakashandisa kaviri mushonga weFortis 300mls/ha.

Fetereza yapamusoro vakaisa kaviri 350kgs/ha kwapera mavhiki mashanu chibage chabuda nokuzotevera neimwe 100kgs/ha chotanga kuita vana.

VaGombera vanoti mbeu dzeSeed Co kusvika pari zvino dzakachena uye havaoni chinovakonesa kuwana 10t/ha kana kupfuura pahekita.

Takaona zvakakodzera kuti mumbonzwawo kune varimi vakaita semi hunaku nemashura ari kuita mbeu dzekambani yenyu yeSeed Co uye tinokuyeuchidzai kuti chinokosha harisi zita rembeu, asi zvainokuitirai yabuda muivhu.

Kubva pamunda watakaona waVaGombera nemimwe iri pedyo navo, ichokwadi kuti zvinogoneka chete neSeed Co.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOKUTI SEEDCO!

Share This:

Sponsored Links