Zvinoreva mazita

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
11. Sarudza vatambi vashanu vari muna Museve Usingapotse ugotsanangura kuti mazita avo anofambirana sei nezvinoitika murungano urwu. [25]

Karinge izita rakabva pachiito “ringa” zvichireva munhu anosara achitarisa kana kuchengeta vamwe vanhu zvakanaka. Izvi zvinozadziswa naKaringe anodzora umambo hwababa vake, VaChakaingesu hwakanga hwapambwa naPondai. Zvinoonekwazve paanoenda kunotakanura hanzvadzi dzake dzakanga dzatapwa naMambo Tineshungu, ndokuzodzokera nadzo kumusha kwavo.

Masariranhamo zvinoreva kusara munhu uchitambudzika mushure mekusiiwa kana kufirwa nemudikani. Izvi zvinojekeswa naVaMasariranhamo vanosara vachitambudzika zvikuru mazuva anopotera murume wavo, Pondai kwaMambo Mupambi asiya asina kuvaoneka. Tinozvionazve panobatwa Pondai naKaringe achida kuuraiwa, VaMasariranhamo vanotanga kudemba-demba vachiti arege kuvaurayawo vasarire zvavo nhamo yavo, ndokubva vadyungwa pamuromo naVaMatose. Mupambi izita rakabva pachiito chekupamba, zvinoreva munhu ane udyire kana anotora zvinhu zvisiri zvake achishandisa chisimba. Zvinozadziswa naMambo Mupambi vanoronga hondo yekubatsira Pondai kupamba nyika yaMambo Chakaingesu nekuti vakanga vavimbiswa zvipfuyo nemadzimai. Tinozvionazve pavanotumira mauto avo kuti anopamba pfuma yaMambo Mushoshoma ndokuvigirwa makumi manomwe emombe nemadzimai mazhinji.

Tineshungu izita rakabva pakuti “shungu” zvinoreva shuviro yekudzosera kana kugadzirisa zvinhu zvakambotadzwa. Izvi zvinobuda kuna Mambo Tineshungu vanotambira Karinge neshamwari dzake zveutsinye mushure mekupotera mudunhu ravo zvinoratidza kuti vaive neshungu dzakanyanya nekutapwa kwavakanga vamboitwa naMambo Mupambi. Zvinozadziswazve pavanoudza Karinge kuti aifanira kuuya nepfuma yavo yemombe makumi manomwe yavakapambwa naMambo Mupambi zvinove zvakazoseredza shungu dzavo.

Pondai izita rakabva pachiito chekuponda, zvinoreva munhu anouraya, kuuraisa vanhu kana kuuraiwawo. Izvi zvinojekeswa naPondai anouraya Mambo Chakaingesu nemiseve gumi neumwe kuti agosara achipamba umambo hwavo. Tinozvionazve paanopondesa mwanakomana wake, Tafirenyika neshamwari dzaKaringe ndokusiiwa musango achidyiwa nezvikara mushure mekunge amufurira kuti agouraya Karinge pavaive kusango vachivhima.

12. Ndiani waungati ndiye anokodzera kuva mutambi mukuru muna Museve Usingapotse? Tsigira nezviito zvake. [25]

Kwandiri mutambi mukuru ndiPondai nekuti anopikisa mambo vake. Tinozviona zuva rinogarwa dare pamuzinda waMambo Chakaingesu vachida kusuma machinda nen’anga dzavo nezvenyaya yekuti vaende kunoratidza Karinge ninga yairadzikwa madzimambo avo. Pondai ari ega anopokana nazvo achiti Karinge aive asati anyatsokura zvekuratidzwa ninga yemadzimambo.

Mutambi mukuru ndiPondai anotsvaga hondo yekurwisa Mambo Chakaingesu. Izvi tinozviona paanorumwa nechinyavada ari musango kupotera kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu kuti agopamba umambo hwavo asi achinyepa kuti vainge vapamba umambo hwababa vake zvinoita kuti Mambo Mupambi vazokwanisa kumubatsira.

Mutambi mukuru ndiPondai anouraya Mambo Chakaingesu. Izvi zvinobuda paanovafuta vachibva kuninga yaivigwa madzimambo avo vachimhanyira kunorwisa mauto aMambo Mupambi aive pedyo nemuzinda wavo. Anovabaya nemuseve pabendekete vachibva vangoti pfurugwada pasi ndokuzovapedzisa nemimwe gumi vachibva vafa.

Pondai anopamba umambo hwaMambo Chakaingesu. Zvinoonekwa paanotama pamba pake achienda kunogara pachisuvi paigarwa nemadzimambo mushure mekunge auraya muridzi weumambo, VaChakaingesu nekutora madzimai avo. Anobva atanga kuzviti Mambo Chikwirandaombera ave kutonga vanhu zvine udzvanyiriri.

Pondai anobva netsori dzehondo kwaMambo Mupambi. Izvi zvinojekeswa paanobva kwaMambo Mupambi naMarizani naKunjerekunjere vaida kunosora dunhu raMambo Chakaingesu ndokuvasiya mugomo raMadetswa raiva pedyo neninga yaivigwa madzimambo ekwaChakaingesu. Ndizvo zvinoita kuti Kunjerekunjere azorumwa nenyoka vave kudzokera kumusha achibva afa.

Chimwe chinoitwa naPondai kufurira mwanakomana wake, Tafirenyika kuti auraye Karinge. Tinozviona paanomuudza kuti aenda kusango kunovhima nevamwe agouraya Karinge nemuseve, kuitira kuti vabvute umambo hwababa vake. Ndizvo zvinoita kuti Tafirenyika azobvisa Karinge nzeve nemuseve achida kumuuraya ndokuzopondwawo nanaChikwaikwai.

Pondai anouraya vanhu vaaiona sekuti vaizopikisana neutongi hwake. Izvi zvinoonekwa paanouraya Mambo Chakaingesu ndokutanga kutevera vanhu vese vaaifungira kuti vaizopikisana neutongi hwake achivauraya nemiseve sezvaakaita n’anga yaMambo Chakaingesu yainzi Kandishaya nejinda ravo rainzi Nyahwedekwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey