zvinorwadza zim kuva ma’supporter’: zifa

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
zvinorwadza  zim kuva ma’supporter’: zifa XOLISANI GWESELA

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti maWarriors pamwe nenyika yose vakarasikirwa zvikuru nekunyimwa kwakaitwa chikwata chenyika ichi mukana wekuti chirwire kuenda kumutambo weWorld Cup uchatambirwa kuRussia gore rinotevera.

Izvi zvinotevera kuhwinha kwakaita dzimwe nyika dzemuAfrica – Egypt neNigeria – matikiti ekuenda kunokwikwidza kumakwishu aya svondo radarika.

Pamusoro pezvo, zvikwata zvedzimwe nyika zvichiri kurwisana kuti pabude zvichaenda kumakwikwi aya sezvo muAfrica muchingobva zvikwata zvishanu chete.

MaWarriors akatemerwa zvirango zvekusanokwikwidza kumutambo uyu zvichitevera kutadza kubhadhara kwakaitwa mari yemuhoro yeaimbove murairidzi wemaWarriors, Valinhos, nebhodhi reZifa iro raitungamirirwa naCuthbert Dube.

Mukushi wemashoko weZifa – Xolisani Gwesela – anoti zvinorwadza zvikuru kuti Zimbabwe haina kuwana mukana wekupinda mumakwikwi aya.

“Zvinhu zviri kutirwadza kana nanhasi chaiye kushaiswa mukana wekurwira kuenda kumutambo uye zvinorwadza zvakare kana tichiona dzimwe nyika dzichitamba.

“Asi isu hatingagare chete tave kutanga kuita gadziriro dza2022 uye 2019 Africa Cup of Nations,” anodaro.

Gwesela anoenderera mberi achiti makwishu eWorld Cup mamwe anotevera, kunyanya a2026, maWarriors anogona kuwana mukana wekukwikwidza zvakare sezvo dunhu reAfrica rakawedzerwa zvikwata zvinokwikwidza kusvika pazvipfumbamwe.

“ZveWorld Cup 2022 zvichazouya asi iye zvino tave kutanga kufunga zveAfcon 2019 yekuCameroon ndosaka takaronga mitambo yehushamwari nezvimwe zvikwata mumwedzi inotevera kuti titange kugadzirira.

“Tinoda kuenda kuAfcon tichibva tozoenda kuWorld Cup kekutanga munhoroondo yedu,” anodaro Gwesela.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey