Zvinoyera kuvatema

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MWEDZI watadai kudarika unonzi mwedzi waMbudzi (November) unova mwedzi une zvakawanda zvinoitika. Uyu mwedzi unozivikanwa nekurangarirwa nevazhinji nekuda kwezvaunotakura.

Muna Mbudzi ndimo munonaya mvura yemunhuruka iyo inoita kuti vanhu vatange kuti heki-heki magejo vachirima nekudyara mbesa. Ndiwozve mwedzi unowanda mbudzi muzvikwere nekuberekana kukuru.

Mumwedzi iwoyu ndimo mune zvinoera zvakawanda zvinocherechedzwa navatema. Pane mazwi atinoda kuti tibate tigonyatsoanzwisisa nekuziva musiyano wawo.

Chinhu chinoera chinhu chisingatambwi nacho kana kuti chinhu chokuti ukapikisana nacho unosangana nematambudziko kana kupinda munjodzi huru.

Zvakasiyana nechiera-era chekuti ingori nzira yekutyisidzira nayo vanhu kuti vasaite zvisina maturo.

Zvinhu zvairambidzwa kuti zviitwe mumwedzi waMbudzi zvaiera zvechokwadi. Izvi zvaidaro nekuti mwedzi uyu wainzi ndewe sabata raVaShona. MunaMbudzi hamurohwe makuva. Itsika yavashona yekuti kana munhu achinge ashaya anoitirwa mutambo mukuru apo vanhu vanorara vachinwa doro vachikumbira kumidzimu yavo yavanoeresa kuti mushakabvu anenge ari kunze kwemusha asusukidzwe kuti apinde mumusha adzoke kuzochengeta mhuri yaakasiya achiidzivirira kubva kumhepo dzakaipa dzepasi uye kuvatungamirira. Zvinonzi hazvifanirwi kuitwa mumwedzi uyu nekuti kana zvikaitwa mhuri iyoyo inenge yazvipeurira mhepo yakaipa.

Mumwedzi wakare iwoyo munhu haabvumirwe kuroora mukadzi kana kutizisisa mukadzi. Naivowo vakadzi vanotozviziva kuti havafanirwi kutizira. Unotoshivirira kana zvichinge zvanangana newe dzamara mwedzi iwoyo wapfuura nokuti ukaita nharo kwaunoeda unongonodzorwa nokuti hakuna vanoda kuigirwa jambwa mumisha yavo nekuda kwemunhu anocharika mutemo achiziva.

Chimwezve chinoereswa navaShona panguva iyi ndechekuti hakupirwi midzimu. Kupira midzimu panguva iyi kunenge kuri kushora varipasi nekudaro jambwa kana shamhu inorohwa nayo vanhu ivavo inenge ichirwadzisa.

Zvandataura pamusoro apo zvinhu chaizvo zvaiera chero nanhasi zvichiri kutevedzerwa. Hongu hatirambi kuti tsika dzedu dzoeredzwa nezvakauya zvechirungu asi nyaya yekuera kwemwedzi waMbudzi haisi yekubata zinyekenyeke. Zvinosiyana nezvieraera izvo zvinongovapo kudzivisa vanhu kunyanya vana kuti vasapinde mumadzudzo kana munataisireva.

Zvieraera hazvina kana mhiko dzeupenyu nokuti ingori nzira yokuraira nayo vanhu, kunyanya nhinhi dziya dzinobvuma nekuona nemaronda saThomas.

Nekudaro, nhinhi idzi dzinotoda kutyisididzirwa kuti dziterere. Hezvinoi zvimwe zvezvieraera zvinowanikwa mukurarama kwavaShona.

Unonzwa vakuru vachiti ukagara mumugwagwa unoita mamota. Nyaya huru iripo ndeyekuti vanoziva kuti zvine njodzi yekutsikwa nemotokari ukatambira mumugwagwa nekudaro vanoedza kutsvaga nzira dzekuti usatambire imomo.

Zvinonzi mukomana akakokota mugoti anomera mazamu. Nemhaka yekubatisisa utsanana vakuru vakaona zvakakodzrea kuti munhu asatapurire vamwe zvirwere kubudikidza nekukokota mugoti, ndiko kusaka vakatyisidzira vachidaro.

Hanzi ukafamba nemanhendeshure unosangana neshumba. Igaroziva kuti ukafamba nemanhendeshure unogona kudonha wakakuvara zvakaipisisa nekudaro vakuru vanenge vachida kuita dziviriro kunjodzi. Unonzwa zvichinzi ukagarira huni iri muchoto unozoponda mukadzi kana kuti unofirwa nemukadzi. Uku kuda kudzivirira vanhu kuti vasatsve nemoto kana kupisa vamwe nekuti danda rikapikinyuka rakapisa vanhu mukuda kurigarira kudaro. Kare zvainzi mwana akadya mazai anobatwa nebuka iri nzira yavakuru yokuda kudya zvinonaka vega. Zvakawanda zvieraera zvakatekeshera namatunhu izvo zvinobatsira kudzora vanhu kupinda mumatambudziko akasiyana-siyana.

Share This:

Sponsored Links