Zvipuka nevana vazvo

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
RUZIVO inhaka yeupenyu isingapfukutwi kana kugoveranwa. Mukana uno tinoda kuti timbodzikisa pfungwa zvikuru tichitaura pamusoro pedzimwe dzemhuka kana shiri dzine mamwe mazita atisingambowanzonzwa mazuva ose.

Tinoda kuzoshandisa ruzivo urwu muupenyu nekuti vanhu tinongonzwa vachirasika apo vanotaura pamusoro pemhuka nevana vadzo. Tinoda kutora muenzaniso weny’ana semwana anopihwa chero kumwana weshiri wese asi kana tava kunangana neshiri dzakaita senjiva, musambo unobva wasanduka.

Mwana wenjiva anonzi bipwi asi kana tava kuBocha havatomboti njiva asi kuti njia. Kushiri ikoko tinoona zvakare hanga. Mwana wayo anonzi runga. Ngaticherechedzei kuti inosiyana nehangaiwa iyo inonzi navamwe kirimba. Mwana wehangaiwa anonzi marunga.

Dhadha rinodaidzwa kunzi sambira kana kuti sekwe. Mwana wedhadha anonzi nhiyo dhadhana kana kuti sekwana. Dhadha gadzi risati rabereka rinonzi sheshe, rakabereka richinzi nhunzvi.

Rimwe zita rehorwe inonzi gorwe, mwana wacho achinzi nhiyo. Horwe ishiri inozivikanwa nekudya kana kuti kukoorora chibage nedzimwe mbesa dzinenge dzichangodyarwa muminda. Kune imwezve shiri inonzi chikwari kana kuti hwarikwari. Gwari ndiro rimwe zita rinodaidzwa naro chikwari. Mwana wacho anonzi nhiyo.

Ndizvo zvimwe chete nehwata kana kuti mukwasi, mwana wacho inhiyo. Vamwe vanodaidza hwata kuti hwatahwata. Hwatahwata gadzi risati rabereka rinonzi sheshe asi rakabereka rinonzvi dunzvi.

Kune zishiri zihombe rinonzi mhou. Mwana wayo anonzi nhiyo. Mhou hadzi inonzi sheshe kana isati yabereka asi kana yazobereka yonzi dunzvi kana kuti nhunzvi. Hwiza kana kuti mhashu inozvara mwana anonzi daunhau kana kuti uyani. Mwana wemhashu anodaidzwa zvakare kunzi undiyani, gwatakwata kana kuti bwairani.

Inda inobara mwana anodaidzwa kunzi rakadzi, nyuchi ichizvara mazana kana kuti jinda.

Mwana wegurwe anonzi dumbuzenene kana kuti chikumbwanana. Anodaidzwa zvakare kunzi chikumbufende kana kuti dumbufururu. Pane vamwe vanorasika vanoti mwana wegurwe anonzi chikudyu. Chikudyu itoriwo mhando yechipukanana yakazvimiririra yoga. Rwaivhi rwunobara kashiyerucheche kana kuti mandishaya kuchiti datya kana kuti chura rinozvara mwana anopihwa mazita akawanda. Vamwe vanodaidza mwana wedatya kuti burupuru kana kuti zeveretsi. Kune dzimwe nzvimbo anonzi buruuru kana kuti zunguzurwa. Vamwewo ndivo vanoti muchimbo.

Mbeva inogona kuzvara mwana mumwe chete kana kuti vakawanda. Kana azvarwa ari mumwe chete anonzi manditeya asi kana vawanda vanonzi uhwerere. Gakandye rinodzaidzwa nerimwe zita rekuti gombamukoyokoyo. Mwana waro anonzi jeya. Vanhu vazhinji vanoti mwana wehove anonzi musinde asi tsvagurudzo inoti musinde nditwo twuhove twudiki twakaita samatemba. Mwana wehove anonzi chidyamaronda kana ari mumwe chete asi kana vazowanda vanonzi dakataka.

Mwana we chidzvinyu kana kuti dzvombi anonzi kanyu, wehamba achinzi mandisiya kana kuti tikinya. Tinevamwe vakambobvunza zvakanyanya kuti chinorembera pamuromo wenzou chinonzi chii, nokudaro zvakabuda mutsvagurudzo zvinoti unonzi murembo. Nzou isina murembo inonzi mhuvi.

Share This:

Sponsored Links