Zviri mutswanda yePrime Seed Co

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Zviri mutswanda yePrime Seed Co

Kwayedza

Elizabeth Benjamin —
PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Mutswanda yembeu dzePrime Seed Co mune mbeu dzetsanga diki senyimo, mapfunde, nyemba nenzungu.

Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzinodaidzwa kuti mahybrids. Mahybrids anopa goho repamusoro, richiyevedza (good quality) uye richifarirwa pamusika.

Goho racho rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanaka pakuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pose pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanomhanyira kutenga nokuda kwekuti mutengo unenge wakaderera kudarika wemahybrids. Aiwa varimi, zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tinokurukura pamusoro pezvinowanikwa mutswanda yembeu dzePrime Seed Co. Vazhinji vakanzwa nezvePrime Seed Co vanobva varangarira mbeu dzemiriwo. Asi chokwadi ndechekuti handizvo zvoga zvinowanika kuPrime Seed Co.

Mutswanda yembeu mune miriwo:

Mutswanda yePrime Seed Co mune miriwo yakasiyana-siyana. Miriwo iyi inosanganisira zvose kubva kuzviya zvatakanyanya kujairira semadomasi, makabichi, hanyanisi, magaka nezvimwewo kusvikira kumiriwo isinganyanyi kuzivikanwa nevazhinji yakaita seasparagus, celery, mapatipan nemaleeks.

Nokudaro, murimi haungazoshaya mbeu yemuriwo kubva kuPrime Seed Co nokuti zvose zvirimo mutswanda iyi. Pamiriwo iyoyi, tinokurudzira varimi kuti vatange vatsvaga mahybrids embeu dzavanoda. Muenzaniso watingapa ndewe murimi anotsvaga kabichi rekudyara. Uchipinda muchitoro kutenga mbeu, murimi bvunza kuti ndeapi mahybrids amunawo emakabichi. Pakuti murimi asatanga kupihwa mhando yekabichi yakaita sedrumhead, anobva aziviswa nezvemahybrids emakabichi akaita seFabiola, Corton, Marcanta, Delight neTriperio.

Varimi musatya kutora mhando ipi zvayo pamahybrids aya nekuti ose akauchikwa zvine unyanzvi zvinoita kuti makabichi aya akure zvakanaka nguva ino yekunaya kwemvura uye asingabatwe nechirwere cheblack rot. Kurudziro kuvarimi ndeyekuti nguva ino yemvura, dyarai pamihomba yakakwirira kuti mvura igofamba zvakanaka uye kuti midzi isagara yakany’ura mumvura nokuti makabichi angazoora zvikashaya basa.

Nguva ino, varimi vakarima mavise ePrime Seed Co vanoneta nekudya mari. Vanonyanya kufara ndevaya vakarima mavise ehybrid inonzi Kito. Vamwe vakakohwa mavisi akawanda, rimwe chete richirema kuma14-16kg. Vakaadya vanobvuma kuti mavise eKito anotapira zvikuru. Ndokusaka isu vePrime SeedCo tichiimba rwiyo rwekuti murimi pinda munhau dzemahybrids.

Takambokurukura mune chimwe chikamu chakapfuura pamusoro pemadomasi tikataura nezvedomasi rinonzi Daisy. Aiwa varimi, chitaurirwa hunyimwa, Daisy idomasi rinongoda kuti murimi azvionere. Murimi anokohwa madomasi emhando yepamusoro akakura zvekuti rimwe chete rinogona kurema 200-250g. Mbiri yedomasi reDaisy, iri pakuti rinoshingirira pazvirwere zvakawanda sechelate blight icho chinonetsa yekunaya kwemvura.

Prime Seed Co ikambani inoterera zvichemo zvevarimi. Munguva yapfuura, pane varimi vaitsutsumwa kuti vari kutadza kutenga mbeu yemahybrids nokuti vaida kutanga vamboizama pachindima chidiki. Vamwewo ndivo vaiti mapakiti emahybrids akakura zvokuti homwe dzavo hadzikwanise kutenga. Nokudaro, vePrime Seed Co vakatotanga kurongedza mbeu dzemahybrids mumapakiti madiki kuitira vaya vanoda kuzama pachindima chidiki nevaya vane homwe dzisina kudzika. Nokudaro mbeu yemadomasi, magaka, broccoli necauliflower yava kuwanikwa kutangira papakiti rine 250 seeds, 500 seeds zvichienda mberi kune vaya vane minda yakakura.

Kana toenda kumiriwo iya isina kujairirwa nevazhinji pakudya uye pakuirima, vePrime Seed Co vanokurudzira kuti varimi vatange vatsvaga kwekuzoitengesera, kana vakuwana vochizotaura nemadhumeni ePrime Seed Co kuti inorimwa sei.

Chiizve chimwe chiri

mutswanda yembeu

dzePrime Seed Co?

Mutswanda yembeu munowanikwawo mune mbeu yezvipfuyo. Mbeu iyi inosanganisira Lucerne iyo inodyiwa nezvipfuyo zvakaita sehwai, mbudzi, huku, tsuro nemombe kunyanya dzemukaka. Lucerne ine kudya kwemaprotein kwakanyanya. Prime Seed Co inotengesawo mbeu yeteff grass, Rhodes finecut grass neforage sorghum.

Zvakakosha kuti varimi vabatsirewo kuwedzera mafuro ezvipfuyo zvavo nekudyara mbeu idzi. Varimi vanowanza kuzoyeuka bako vatonaiwa kana nguva yechirimo yasvika pasisina mafuro. Murimi akangwara anorongerawo zvipfuyo zvake nguva iripo nekudyara mbeu dzemafuro.

Tswanda yembeu dzePrime Seed Co yazara here?

Tswanda yembeu dzePrime Seed Co haizari tisati taisa mbeu dzemumunda dzine tsanga diki (small grains). Prime Seed Co inotengesa mbeu dzakawanda senzungu, nyimo, mapfunde, nyemba, masunflower, bhinzi nechibage cheorange chinonzi ZS242. Varimi vazhinji vanowanza kuchengeta chindima chokudyara mbeu diki idzi saka musanetseka kwekudziwana. Mbeu diki dzakanaka zvikuru nokuti dzinoshingirira muzuva. Dzinoita zvakanaka chero mvura yekunaya ikaita shoma. Mbesa idzi dzinokurudzirwa zvakare nokuti dzine kudya kunovaka utano.

Tswanda yePrime Seed Co ine mbesa dzakasiyana kuitira kuti varimi vasarudze zvavanoda asi zvose zvichiwanikwa panzvimbo imwe chete.

Munguva yekunaya kwemvura, varimi ngavagare vakatenga mishonga ingadiwa kufirita zvirimwa zvavo, uye vagare vachipinda mumunda kutarisa kuti vaone matambudziko asati aenderera uye vagadzirise zvisati zvapararira nemunda wose.

VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti vatsvage humboo hwakakwana maererano nezvinowanikwa mutswanda yavo yembeu iyo ine zvose. Inzwai zvizere kubva kumadhumeni ePrime Seed Co akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

— Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co uye munomubata pa 0731 432 590

Share This:

Sponsored Links