Zvirimwa zvotsva nezuva

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Zvirimwa zvotsva nezuva VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Dambudziko rekusanaya kwemvura kumatunhu akawanda enyika rokonzera kusvava kwezvirimwa zvizhinji, zvimwe zvacho zvave kutosvika pakuda kuoma izvo zvave kutyirwa kuti kungangova nenzara munyika.

Sangano reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti nemamiriro akaita mwaka zvinoda kuti varimi vatsvage dzimwe nzira dzekuti vararamise zvirimwa zvavo zvakaita sekushandisa madiridziro. VaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vanoti zvirimwa zvizhinji munyika zvakanganisika nekusanaya kwemvura.

“Mvura haisi kunaya munyika yose kubva pazororo reKirisimasi negoredzva izvo zvakonzera kuti zvirimwa zvisvave nekuda kwezuva. Dambudziko rakavapo nderekuti varimi vakaisa feteraiza yepamusoro kunyangwe yepasi neimwe yatinodaidza kuti X uyewo nemanyowa emupfudze. Saka nekuzorega kunaya kuri kuita mvura, feteraiza iyi nemanyowa zvave kukonzera zvakare kutsva kwezvirimwa zvakanyanya,” vanodaro.

Kusanaya kwemvura uku vanoti kwakanganisa zvirimwa zvinosanganisira chibage, nzungu nebhinzi.

“Chikwata chedu chenyanzvi dzezvekurima vakabatana nevashandi vebazi reAgritex vanova varimisi vari kutenderera munyika yose vachiona mamiriro akaita zvirimwa. Inyaya inovhundutsa nekutyisa zvikuru pasvika danho rezvirimwa,” vanodaro.

VaZakariya vanokurudzira varimi vane mikana yekushandisa madiridziro angava makuru kana madiki kuti vaite izvi nekukurumidza.

Zvirimwa zvizhinji zvakaita sechibage zvakanganiswa zvikuru kumatunhu akawanda enyika nekuda kwekusanaya kwemvura kubva pazororo reKirisimasi.

“Tine madhamu makuru nemadiki, matsime nezvibhorani umo tinogona kuwana mvura yekuti tidiridzire zvirimwa zvedu takamirira mvura yekudenga. Tikadaro tinorarama, mvura yekudenga yozotiwana zvirimwa zvedu zvichikura,” vanodaro.

Vanoti kune vamwewo vanoshandisa madiridziro emhando yedrip irrigation ayo anoda mvura shoma.

“Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti tinofanirwa kugara takagadzirira madiridziro edu akamirira nguva yakaita saiyoyi yekuti mvura haisi kunaya,” vanodaro VaZakariya.

Vanokurudzira varimi kuti vadyare mbeu diki dzakaita sebhinzi mukati mezvimwe zvirimwa.

“Mvura yatiinayo iyoyo regai tidyare zvirimwa zvidiki, zvikuru bhinzi, todiridza uye panozouya mvura dzinowanikwa dzave padanho repamusoro,” vanodaro VaZakariya.

Vanoyambirawo varimi kuti vangwarire zvirwere zvakasiyana zvinogona kubata zvirimwa zvavo.

“Kune tumbuyu tunoda kupinda muzvirimwa kana mvura isinganaye zvakanaka twakadai serukonye saka ngatipotei tichipinda muminda yedu tichiongorora zvirimwa zvedu,” vanodaro.

Zvakadai, bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department rinoti kunze kucharamba kuchipisa zvakanyanya munyika yose uye mvura inotarisirwa kuzonaya munguva iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links