Zvirwere zvezvipfuyo zvorwiswa

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Zvirwere zvezvipfuyo zvorwiswa

Kwayedza

HURUMENDE iri kukurudzira varimi kuti vatore matanho akakodzera ekudzivirira zvipfuwo zvavo kuzvirwere zvakasiyana, zvikuru munguva ino yemwaka wekunaya kwemvura.

Director wekuchikamu cheDepartment of Veterinary Services kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Josphat Nyika, vanoti mamiriro akaita zvipfuyo munzvimbo zhinji munyika ave nani nekuda kwekuti varimi vari kukwanisa kuzvichengetedza zvakanaka.

“Nekuda kwekunaya kuri kuita mvura, mafuro akasimukira zvikuru kunyangwe zvazvo kuwanda kwemvura kwakaunza zvirwere nezvishambwe zvinokanganisa zvipfuyo. Tiri kukurudzira varimi kuti vange vachinodhibhisa zvipfuyo zvavo kuti zvidzivirirwe kuzvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe zvakadai seJanuary disease, heart water nered water,”  vanodaro.

Varimi, vanodaro Dr Nyika, vanofanira kudhibhisa zvipfuyo zvavo pasvondo rega-rega munguva yekunaya kwemvura senzira yekudzivirira zvirwere izvi.

“Varimi vanofanira kushandisa mishonga yakakodzera iyo vanotenga muzvitoro zvakanyoreswa kwete mumikoto.

“Kuuya kwemvura kwaunzawo tumbuyu uye zvirwere zvakadai selump skin saka zvipfuyo zvinofanirwa kuti zvinge zvichidzivirwa  kubva zvirwere zverudzi urwu,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti varimi vanokwanisa kubaisa zvipfuyo zvavo vachishandisa mishonga inodaidzwa kunzi broad sprectrum antibiotics kana pachinge panyuka zvichirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe.

Mombe dzinonzi dziri kuitawo dambudziko rekurwadziwa nemaziso achiita maronda. Zvirwere zvakaita sepink eye kuzvipfuyo zvinonzi zviri kuwanda asi zvinorapika kuburikidza nekushandisa mishonga yakadai seeye ointment.

Varimi vanokurudzirwa zvakare kuchengetedza matanga avo akaoma senzira yekudzivirira zvirwere zvemahwanda.

Dr Nyika vanoti kana mvura ikaramba ichinaya zvakanyanya, panogona kuita dambudziko rekunyuka kwezvirwere zvakafanana neanthrax (mahwanda).

“Gore rino chirwere cheanhtrax chinogona kunyuka uye zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kungofa zvisina tsarukano kwezvipfuyo, kukasika kuwora kwemutumbi wemombe inenge yafa uye kubuda kweropa rakasviba panzvimbo dzese dzinenge dzakavhurika pachipfuyo dzakadai semuromo, kumashure, mhuno, munzeve nezvimwe. Tinokurudzira vanhu kuti vasadye nyama dzezvipfuyo zvinenge zvangofa zvega uye veruzhinji vanofanira kumhan’ara nekukasika kana paita fungidziro yechirwere ichi kuvarimisi vari pedyo navo kana kumapurisa,” vanodaro Dr Nyika.

 

Share This:

Sponsored Links