Uncategorized

Zvitoro bvumai plastic money: czr

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Zvitoro bvumai plastic money: czr

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
SANGANO reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR) — rakabatana nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe — riri kukurudzira vezvitoro, kunyanya zviri kumaruwa nekumadhorobha madiki, kuti vatambire kushandiswa kweplatsic money.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva yadarika kuGokwe South, kudunhu reMidlands, pagungano rakarongwa neCZR yakabatana neRBZ.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weCZR — VaDenford Mutashu — vanoti zvakakosha kuti vezvitoro vatore matanho ekutsigira kushandiswa kweplatsic money.

“Tinofara chaizvo kuti kunyangwe zvazvo kuuya kwakaita mabond notes kwakambonetsa, pari zvino vanhu vava kuatambira uye kuashandisa. Chinangwa chedu ndechekuti kudai chitoro chimwe nechimwe chaita michina inoshandisa makadhi ekumabhanga,” vanodaro VaMutashu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chishuviro chedu ndechekuti vemabhanga vemuZimbabwe vaumbe hukama hwakanaka mukuvandudza mashandisirwo emakadhi muzvitoro kuitira kuti zvirerukire vatengi. Tiri kukurudzirawo veruzhinji kuti vashandise mafoni avo mukutenga nekutengeserana.

“Kushandiswa kwenzira dzakaita seEcoCash, Telecash, Netcash, One Wallet nedzimwe kunobatsira zvakanyanya mukurerutsa kufambiswa kwemabhizimisi munyika.”

VaMutashu vanoti kune matambudziko akawanda ari kuita kuti vamwe vanhu vasade kutambira kushandiswa kweplastic money.

Vanoti mamwe makadhi achiri kunetsa kushandisa sezvo anomboramba kuburitsa mari zvoita kuti vatengi vanetseke. Vanoti plastic money yakanakira pakuti kubiwa kwemari kunoita kushoma.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJosephat Mutepfa, vanove RBZ senior executive national payments, vachiti pachiri nedambudziko rekuti vezvitoro vazhinji havasati vave kutambira kushandiswa kweplastic money, kunyanya kumaruwa.

“Vazhinji vachiri netsika yekuda kubata mari mumawoko, ndiko kuti vabvume kuti vanayo. Nyaya yekushandiswa kweplastic money haisati yanyanya kuita mukurumbira munyika nekuti veruzhinji vanga vajaira kushandisa mari pasina kushanda kwemakadhi.

“Zvisinei, nekufamba kuri kuita mashoko ekushandiswa kweplastic money, veruzhinji vari kushanduka mupfungwa dzavo pamusoro pekushandiswa kwemakadhi mukutenga nekutengeserwa kuzvitoro. RBZ yakasununguka kutora zvichemo zvinobva kuvanhu maererano nekushandiswa kweplastic money,” vanodaro VaMutepfa.

VaMutepfa vanoshora tsika iri kuitwa nevamwe vanhu yekutengeserana mari pamusika wemukoto.

“Mari yekutengeserwa nemikoto yakashata nekuti veruzhinji vanofanira kuziva kuti kana munhu achitengesa mari, pane chaari kuwana uye iwe nyakutenga une pauri kudyiwa. Kana mukaona pari kuitwa izvi, fonerai panhamba dzedu dzinowanikwa padandemutande pachena kuitira kuti vari kuita zvisiri pamutemo vasungwe,” vanodaro VaMutepfa.

Share This:

Sponsored Links