Zvizvarwa zveMalawi, muriko here uko?

11 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Zvizvarwa zveMalawi, muriko here uko?

Kwayedza

kuziva mbuya huudzwa
KUNE dimikira rinoti natsa kwawabva, kwaunoenda usiku, kana kuti ziva kwawakabva, mudzimu weshiri uri mudendere! Nemusi weSvondo, 6 Chikunguru nyika yeMalawi yakapemberera makore 50 yawana kuzvitonga kuzere, kuzvitonga kwayakawana kubva kunyika yeBritiain musi wa6 Chikunguru, 1964.

Vanotevera zviri kuitika munyika, vakazviona kuti mutungamiri wenyika President Mugabe vakanobatana nemhuri yeMalawi kupemberera zuva rakakosha kudai iri nokuti zvinonzi husahwira hunokunda hukama. Vamwe vatungamiri vedzimwe nyika vakange varikowo.

Makore makumi mashanu rwendo rwakati rebei. Dr Hastings Kamuzu Banda vakatisiya  ndivo vakave mutungamiri wokutanga weMalawi. Malawi neZambia ndidzo nyika mbiri dzomudunhu rokuchamhembe kweAfrica dzakawana kuzvitonga mugore ra1964, dzichizoteverwa neBotswana mugore ra1966, hondo yapaChinhoi muno muZimbabwe yatorwiwa, uyewo zviuru nezviuru zvezvizvarwa zvokuMalawi zvatodzika midzi muno muZimbabwe vachitsvaga kurarama.

Panguva iyoyo, Zimbabwe, Mozambique, South Africa neNamibia vakange vari pakati pokuronga zvokurwisa vapambepfumi.
Sezvo nyika yeZambia iri kupembererawo makore makumi mashanu okuzvitonga musi wa24 Gumiguru, tati timbobvunzana nezvizvarwa zvakabva kuMalawi zvikauya kuzoshanda nokugara muno muZimbabwe kuti ko makapindwa nei kubva mati zi-i, zi-i kudaro, kutadzawo kunzwika kuti muri kuronda tsoka dzokwamakabva, zvisinei kuti mave vagari vomuno.

Hamungakanganwi kwamakabva, uyewo hamungakanganwi chakaita kuti mufambe mumasango kutsvaga raramo kunyika dzakasiyana-siyana. Vachiripo vatana vanoziva kwakabviwa, uyewo vazhinji venyu muchiri kutodzokera kumusha gore negore muchichengeta hama dzakasara, dzimwe dzichiuya kuno. Makarooreranawo neveZimbabwe.

Ko kupembererawo kuti nyika yasvitsa makore 50 ichizvitonga hazvina kukosha here?
Inga madzimai tinoaona akamonera machira amazambia amapato ari kuMalawi! Kana iwo madzimai omuno akaziva kusunga machira iwaya kubudikidza nezvizvarwa zvokuMalawi. Saka musi wa6 Chukunguru makaukanganwa seiko? Zvizvarwa zvokuMalawi zvinozivikanwawo panyaya dzemitambo. Zvinogarokwikwidza zvichitamba mitambo yokuMalawi yakafanana negure kana muganda.

Makore mazhinji vanotora mikombe. Ko kana vachiri kuyeuka mitambo iyi vachiita matambidzanwa kumazera echidiki, pamusana pei musi wa6 Chikunguru vasina kukoshesa kuti kwavakabva vasvitsa makore makumi mashanu?

Takange takatarisa kukokwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana vachitiratidza rwendo rwafamba nyika yavo, nokwavari kutarisira kuenda nokuti ndiko kune rupawo rwavo.

Zvaida mari here kuti zvinhu zvifambe?
Kuti tinzwisisane, zvizvarwa zvokuAmerica zvakapemberera kuwana kuzvitonga kuzere musi wa4 Chikunguru. Havana kuwana rusununguko urwu makore mashoma-shoma apfuura, asi kuti vakarwuwana mugore ra1776 – makore 238 apfuura. Zvizvarwa zvokuZambia, tatoridza huhwi. Ngatibatanei nemi musi wa24 Gumiguru muchipembererawo enyu makore 50.

Share This:

Sponsored Links