Uncategorized

Musanyeperwe: Ndanga

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Musanyeperwe: Ndanga BISHOP Ndanga

Kwayedza

MUKURU wesangano remachechi echipositori munyika, reApostolic Christian Council of Zimbabwe, Archbishop Johannes Ndanga, vanoti hakuna mumwe munhu anofanirwa kuzviti Jesu kunze kwemwanakomana waMwari.

“Nyaya hombe yatiinayo tinoti vanhu vasanyeperwe nekuti Bhaibheri rinotaura kuti kuchava nevanhu vanozviti vanaKirisitu vamwewo vachizviti maporofita vachiita mashura nezviratidzo. Veruzhinji ngavangwarire,” vakadaro.

“Jesu wedu kana achidzoka haaonekwe kunzvimbo imwe chete sezvinoita mukadzi anozviti Jesu wekuGuruve nemurume uyo anozviti Jesu kuCentenary. Kana achiuya anoonekwa nevanhu vose panguva imwe chete. Vakafa vose vachimuka kubva kumakuva, otanga kutonga vapenyu nevakafa nekuti izvi zvinotaurwa kuna Mateu 24 vs 24-27.”

Vakayambira vanhu kuti ano mazuva ekupedzisira saka vanamati nevamwe veruzhinji havafanirwe kutambira vanhu vose-vose nezvavanotaura sezvo vachizonyeperwa votadza kuziva chokwadi nenhema.

“Kana muBhaibheri zvirimo, kuti kuchava nevanoti makomo afambe achifamba nemamwe mashura akawanda. Izvo takayambirwa kare neshoko dzvene kuti tivangwarire ivo vanouya vakapfeka matehwe ehwai idzo dziri mhumhi,” vakadaro Archbishop Ndanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>