Uncategorized

1 500 vapona chirwere cheCovid-19

14 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
1 500 vapona chirwere cheCovid-19 Coronavirus

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU 1 544 vapona kubva kuchirwere cheCovid-19 munyika muno asi vamwe 104 vafa kubvira pakatanga kuonekwa denda iri muna Kurume wegore rino kusvika pari zvino.

Magwaro nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti Zimbabwe pari zvino yava nevanhu 4 818 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Harare ndiyo ine vanhu vakawandisa vane Covid-19 vanova 1 844 ichiteverwa neBulawayo nevanhu 1 133 kwozoti Matabeleland South iyo ine vanhu 507.

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vabatwa neCovid-19 vanove 46.

Vanhu 70 vakawanikwa vaine chirwere ichi nemusi weChipiri chino uye vose vagara vari muZimbabwe sezvo vasina kumbobvira vabuda kunze kwenyika.

Bulawayo ndiyo ine vanhu vakawanda vapona kubva kuchirwere ichi vanova 645 uye inoteverwa Midlands (287) kwozouya Mashonaland East (158).

Pavanhu vafa neCovid-19, Harare ndiyo ine vakawanda vanova 55, ichiteverwa neBulawayo (23) kwozouya Manicaland (9).

Dunhu reMasvingo, iro rine vanhu 128 vakawanikwa vaine Covid-19 kusvika pari zvino, ndiro rega munyika yose risati rava nemunhu afa nekuda kwechirwere ichi.

Hurumende iri kutora matanho akasiyana nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kuti veruzhinji havatenderwe kufamba husiku kubva nenguva dza6 manheru kusvika 6 mangwanani uye vanhu vanoita mabasa akakosha chete ndivo vari kubvumidzwa kuenda kumabasa.

Vanhu vari kukurudzirwawo kuti vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinosvika veruzhinji, vasaite chitsokotsoko uye vagare vachigeza mawoko avo zvekuchena nesipo nemvura inochururuka.

Chirwere cheCovid-19 chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey