10 vafa nemanyoka

21 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
10 vafa nemanyoka

Kwayedza

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE ine vanhu 9 762 vakabatwa nechirwere chemanyoka uye 10 vakafa musvondo rimwe chete, rinodaro bazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Magwaro eongororo iri pamusoro pekudzivirirwa kwezvirwere zvakasiyana anoburitswa pasvondo nebazi iri anoratidza kuti kubva nemusi wa24 Gumiguru kusvika 30 Gumiguru 2022, vanhu 9 762 vakabatwa nezvirwere zvemanyoka uye gumi vakafa.

Matunhu eManicaland neMashonaland Central ndiwo ane vanhu vakawanda vabatwa nechirwere ichi.

“Pavanhu gumi vakafa ava, vatanhatu vavo vanonzi vakafira kuSally Mugabe Central Hospital, vaviri kuParirenyatwa Group of Hospitals ukuwo kuChitungwiza Central Hospital kwakafa mumwe neSanyati District Hospital kwakafa mumwe zvakare.

“Panyaya dzakamhan’arwa, 4 751 vanga vari pasi pemakore mashanu ekuberekwa. Matunhu eManicaland neMashonaland Central ndiwo ane vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere chemanyoka vanove 1 568 ne1 438,” rinodaro bazi iri.

Bazi iri rinoti huwandu hwevabatwa nezvirwere zvemanyoka kubva kutanga kwegore rino kusvika pari zvino huri pa283 919 uye 122 vafa.

Share This:

Sponsored Links