$10m yekukweretesa vadzidzi

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
$10m yekukweretesa vadzidzi Prof Murwira

Kwayedza

Leonard Ncube ari VICTORIA FALLS

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina rakanyorerana chibvumirano che$10 miriyoni chemari yekupa zvikwereti kuvadzidzi neimwe kambani yekuSouth Africa iyo ichavapa zvikwereti vachizodzosera mari iyi yave nemutero (interest) shoma-shoma.

Hurongwa uhu huri kuuya panguva iyo paine kuchema-chema kukuru kubva kuvadzidzi vari kuti imwe homwe yemari ye$1 bhiriyoni yakaiswa padivi neHurumende kuti vange vachikwereteswa vakange vasingakwanise kuitora sezvo vemabhengi vachida kuti vabereki vavo vave nemapay slips kuitira kuti ashande sechibatiso.

Nerimwewo divi, zvikoro zvedzidzo yepamusoro hazvisi kuda kuti zvishande sezvibatiso kune vadzidzi vane vabereki vasina mabasa akati tsvetere.

Vadzidzi ava vanonyunyuta zvakare pamusoro penyaya yezvibatiso zviri kudiwa nevemabhengi kuti vawane mari iyi uyewo nemari yemutero yavanozobhadhara inove chikamu che10 percent kana vachinge vapihwa zvikwereti zvacho.

Muhurukuro apo vaive pamusangano weHigher Education Partnerships in Sub-Saharan Africa (HEPSSA) uyo wakaitirwa kuno svondo rapera, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende yakauya nechimwe chirongwa chekupa vadzidzi mari yezvikwereti mushure mekunge vagunun’una.

“Mukugadzirisa mamiriro ezvinhu aya, tinofanira kuzviita sebhizimisi. Tange tichiita hurukuro neveFundi vekuSouth Africa avo vane bandiko reEduloan uye tanyorerana chibvumirano che$10 miriyoni. Vane mari yeinterest yakaderera zvikuru uye zvatiri kuzama kuita ndezvekutaura nevemabhengi tichiti tarisai tave nemumwe ane interest yakaderera uye tinovimba kuti vachadzikisawo interest yavo,” vanodaro Prof Murwira.

Hurumende, vanodaro, iri mushishi kutsvaga kuti mari iyi ingakwereteswe kuvadzidzi sei.

Vanoti chirongwa ichi chinogona kuitwa nenzira yeCadetship apo vadzidzi vanozobhadhara chikwereti chavanenge vapihwa kuHurumende vave kushanda vapedza zvidzidzo.

“Tiri kuzama zvakare kugadzirisa nyaya yekuti Hurumende ive iyo chibatiso kune vadzidzi vane vabereki vasingawane mapayslips nekuti tine chivimbo chekuti pavanopedza kudzidza vanowana mabasa vobhadhara mari iyi apo upfumi hwenyika hunenge huchisimukira,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vadzidzi vanodarika 10 000 vanotori muchirongwa chekupihwa zvikwereti neEduloan kare uye zvikwereti zvitsva izvi inzira yekuwedzera huwandu hwevadzidzi ava.

Zvichakadai, musangano weHEPSSA uyu wakarongwa neUniversity of Science and Technology (NUST) yakabatana neUniversity of Botswana, vachitsigirwa neRoyal Academy of Engineering (UK).

Share This:

Sponsored Links