Uncategorized

114 vapedza zvidzidzo paZNDU

05 Aug, 2022 - 18:08 0 Views
114 vapedza zvidzidzo paZNDU President Mnangagwa vachigashidza Delairah Rutsito nguwani yefundo uyo akapedza dzidzo yepamusoro yeMaster of Science in Software Engineering paZimbabwe National Defence University nemusi weChina.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VADZIDZI 114 vakapedza zvidzidzo zvavo zvakasiyana paZimbabwe National Defence University (ZNDU), muHarare ndokugashidzwa zvitupa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa.

President Mnangagwa ndivo zvakare Chancellor weZNDU.

Padzidzi ava, makumi matatu nevanomwe vakapedza zvidzidzo zveMaster of Science Degree in International Studies kuchitiwo gumi nevatatu vakapedza Master of Science Degree in Software Engineering uye vamwe makumi matanhatu nevatanhatu vakapedzawo zvavo zveNational Defence Course.

Pane vakapedza zvidzidzo zvavo ava, pane vamwe vakabva kune dzimwe nyika dzinosanganisira Malawi, Zambia, Nigeria, Tanzania neBotswana.

Vice Chancellor weZNDU, Air Vice Marshal Dr Michael Moyo vanoti kubva zvavatanga zvidzidzo zvemhando yepamusoro pachikoro ichi, zviri kuratidza kuti veruzhinji vari kufarira zvidzidzo zvepo izvo zvavanoti vari kutarisira kuvandudza nekuwedzera mukufamba kwenguva.

“Bandiko redu reCentre for Defence and Security Studies rinova rinofambisa zvirongwa zveZimbabwe National Defence Unioversity riri kuita basa guru mukukwezva vadzidzi vakawanda muno munyika vachibva kune dzimwe nyika kunyanya mudunhu reSADC. Zviri kuratidza kuti chikwata chevadzidzi veri kutanga nguva pfupi inotevera chichange chiine vadzidzi vakawanda kusanganisira vanobva kunyika dzakaita sePakistan, South Africa, Namibia nedzimwe,” vanodaro.

Vice Chancellor Moyo vanoti vari kufara zvikuru sezvo vamwe vadzidzi vari kubva kune mamwe mapazi eHurumende vachitsigira zvirongwa zviri kuitwa pachikoro chavo. Zvisinei, vanoti pari zvino havasati vave kutora vadzidzi vakawandisa nekuda kwekusavapo kwezvimwe zvinodiwa zvinoita kuti basa rechikoro rifambe zvakanaka.

“Kubva ZNDU payakapa mukana kuti vamwe vasiri muchiuto vatange kuita zvidzidzo nesu, pari kuratidza kuti vanhu vari kufarira zvirongwa zvedu vari kuwedzera zvakanyanya. Zvisinei, tichambomira kutora vadzidzi vakawanda pari zvino kuti titendere kupedzisa kugadzirisa zvikwanisiro zvakafanana nezvivakwa pamwe chete nemari dzekuti basa rifambirire mberi zvakanaka.

“Pari zvino chikoro chedu chiri pakati pekuvandudza nekuvaka zvinosanganisira matangi emvura nepekuverengera (library).”

Vice Chancellor Moyo vanoti pari zvino ZNDU iri mushishi kuvandudza pekudzidzira pevadzidzi uye kuwedzera zvivakwa zvekudzidzira zvinokwanisa kushandiswa nevadzidzi vakawanda.
Vanotizve  vave kutanga zvakare kugadzira nzvimbo ichavakwa Innovation Hub.

ZNDU inonzi ichawedzera zvirongwa zvevadzidzi kumabandiko maviri anoti reFaculty of Social Sciences nereEngineering.

Zvidzidzo izvi zvinosanganisira MSC Conflict Prevention and Early Warning Mechanisms, BSC (Hons) Electrical and Electronics Engineering, BSC (Hons) Software Engineering.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>