Uncategorized

124 000 VATARISWA COVID-19 . . . 2 800 vanayo . . . 40 vakatofa

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
124 000 VATARISWA COVID-19 . . . 2 800 vanayo . . . 40 vakatofa Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU 124 194 vavhenekwa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kusvika pari zvino.

Pavanhu ivava, 2 817 vavo vawanikwa vaine Covid-19, apo 604 vavo vakatonaya asi vamwe 40 vakafa.

Magwaro anoburitswa zuva nezuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus vanove 928.

Coronavirus hutachiona hunokonzera Covid-19 uye chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose. Harare inoteverwa neBulawayo pahuwandu hwevanhu vabatwa vaine chirwere ichi iyo ine vanhu 768 kuchizouya Matabeleland South nevarwere 369.

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vawanikwa vaine Covid-19 vanove 28.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekukushwa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kusimbaradza chirongwa chekuvhenekwa kwevanhu, zvikuru munzvimbo dziri kukurumbira chirwere ichi dzinosanganisira Harare, Bulawayo neGweru.

“Hurumende iri kusimudzira matanho ekuti pave nezvikwata zvinovheneka vanhu chirwere ichi uye kuvepo kwezvirongwa zvemunharaunda zvekuti vanhu vasangofambe-fambe zvisina tsarukano munzvimbo dziri kukurumbira chirwere ichi mumaguta matatu aya,” vanodaro. Vanoti senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 pakati pevashandi veHurumende, misangano yose ine chekuita nezvebasa ichaitwa pachishandiswa nzira dzedandemutande.

“Kumayunivhesiti nemakoreji, kudzidzisana varairidzi nevadzidzi vakatarisana kwambomiswa uye zvidzidzo zvose zvichaitwa kuburikidza nedandemutande. Avo vakange vatanga kunyora bvunzo vachabvumidzwa kuti vapedzise, asi kune vakange vasati vatanga, bvunzo dzacho dzichapfuudzwa mberi,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Hurumende inosimbisisa kuti panofanirwa kutevedzwa nemazvo zvinotarisirwa pakuvigwa kwevanhu nechinangwa chekumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus. Pamusoro pezvo, huwandu hwevanhu 50 pamagungano hunofanirwa kutevedzwa, zvikuru parufu nekumachechi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti mapurisa emakanzuru, eZimbabwe Republic Police (ZRP) nevatungamiriri venharaunda vachashanda pamwe chete mukuona kuti vashakabvu vanovigwa pachitevedzwa mitemo yakatarwa.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende inoshushikana zvikuru nekuramwa basa kuri kuitwa nevashandi vezveutano izvo zviri kukanganisa zvirongwa zvekurwisa Covid-19.

Vanoti Hurumende ichapinza vamwe vashandi vezveutano mabasa, kusanganisira vanamukoti.

Share This:

Sponsored Links