14 vonofunda kuIndia

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
14 vonofunda kuIndia Prof Murwira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI 14 vemuZimbabwe vakapihwa mabhezari ekunoita zvidzidzo zvemadhigirii akasiyana kunyika yeIndia pasi pechirongwa cheIndian Council of Cultural Relations (ICCR).

Vachitaura pakuonekedzana nevadzidzi ava muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti dzidzo ndiyo inosandura upenyu nokudaro inofanira kukosheswa.

“Pamuchasimuka muchienda kuIndia, zivai zvinangwa zvenyu uye muzvikoshese. Ndiko kuti mugobudirira. Kuburikidza nedzidzo, munoderedza nyaya dzehumbavha, hurombe, zvirwere nenzara saka tichiti dzidzo inhaka yakanaka kana ikashandiswa nemazvo uye panzvimbo yakakodzera,” vanodaro.

Prof Murwira vanokurudzira vadzidzi ava kuti vakoshese hunyanzvi pane zvose zvavachanofunda kuIndia kuti vagozohushandisa munyika muno munyaya dzebudiriro.

“Tinoda dzidzo inoita kuti vanhu vakwanise kuzvivambira mabasa. Kuburikidza nedzidzo, tinobura ongororo dzakasiyana nekuzvivambira maindasitiri anoita kuti nyika iwane mabasa zvichideredza nzara nehurombo,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, mumiriri weIndia muZimbabwe, Ambassasor Rungsung Masakui, vanoti vanofara nekufambira mberi kuri kuita chirongwa chemabhezari ichi.

“Chirongwa cheICCR chinopa mabhezari 22 kuvagari vemuZimbabwe gore roga-roga kuti vange vachinoita mabasa emaoko akasiyana. Vadzidzi gumi nevana vamuri kuona pano ava ndicho chikwata chekutanga kuenda kuIndia gore rino, kureva kuti kune vamwe vachatevera.

“Pane ongororo yakasimba inoitwa kuvadzidzi ava vasati vaenda saka ndichiti vane rombo rakanaka rekuwana mukana uyu usingawanikwe nevazhinji.

“Takatambira matsamba anodarika mazana maviri kubva kuvadzidzi vaidawo mabhezari aya asi vashoma ivava ndivo vakasarudzwa zvichienderana nekupasa kwavo nekuti taitarisa vanenge vawana zvibodzwa 12 zvichienda mberi paA-Level,” vanodaro.

Vanoti vadzidzi ava vari kunoita zvidzidzo zvinosanganisira Humanities, Engineering, Electronics, Mechanical, Aircraft, Mathematics neStatistics, Administration neCommerce pakati pezvimwe.

Dr Chris Mushohwe, avo vanove Executive Director wePresidential and National Scholarships Programme, vanoti India inopa dzidzo yemhando yepamusoro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>