Uncategorized

‘2 days’ vachirova harahwa . . . kusvikira yafa . . . hanzi muroyi

17 Apr, 2019 - 18:04 0 Views
‘2 days’ vachirova harahwa . . . kusvikira yafa . . . hanzi muroyi VaFidelis Mandava vachirohwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA inoburitsa kuipa kwekupumha munhu huroyi, harahwa yekwaChivi, kuMasvingo, yakafa rufu rwunorwadza apo yakaitwa dititi kurohwa kwemazuva maviri akatevedzana nevanhu vehukama avo vaiipomera kuva muroyi ane zvidhoma izvo zvinonzi zvapedza kuuraya vemhuri nekuvapa minyama.

VaFidelis Musindo Mandava (72) vanonzi vakapondwa pajekerere nehama dzavo dzaisanganisira varume nevakadzi avo vaichinjana kuvapura nemhuro dzemuti wemuhingi.

Vanhu ava pavaipara mhosva iyi, vamwe vainge vachipururudza nekukuzana uye vachitorana mifananidzo nemavhidhiyo — rimwe racho rava mumaoko eKwayedza.

Pane madzimai anoonekwa nekunzwikwa pamifananidzo yatinayo vachizvambaradza harahwa iyi nemipuro vachibatsirana nevarume.

Pose paishungurudzwa harahwa yaigara mubhuku raMasherema, kwaSadunhu Gororo iyi, murume uyu anonzwikwa achingoti; “Munondiroverei nhai? Ndati muri kundiponderei?”

Vamwe vevanhu vanorakasha murume uyu vanonzwikwa vachiti; “Enda unotora pawakaviga zvinhu zvako (mishonga yenyu), enda unotora. Imi musaregerera mhunhu.

“Tora zvinhu zvako, ndati tora zvinhu zvako! Enda unotora, enda unotora . . .”

Mumwe munhukadzi anodaidzira nezwi riri pamusoro achiti, “Nhaimi sekuru, ko hamunotora here zvinhu zvacho? Ha, endai munotora zvinhu zvenhu. Musaregerera munhu. Temhai dzimwe shamhu, unzai dzakawanda tibatsirane . . .”

 

Pose ipapo harahwa iyi yainge ichirohwa — pamwe ichimbochema kana kuzama kutaura nevaiirova ichichema, asi pasina anoiterera. Inosvika pakutadza kuchema — ichingozvambaradzwa.

“Muri kundiurairei nhai? Munondiponderei?” sekuru ava vanobvunza apo vaiedza kumuka ndokubva vatsikwa pahuro nemurume akapfeka chikepesi chitsvuku.

“Ah, vari kuda kutofamba? Mirai, mirai sekuru,” anodaro mumwe mudzimai apo aitora mifananidzo achiudza harahwa iyi kuti imirire kurohwa. “Ha, endai munotora. Imi musaregerera munhu.”

Bongozozo iri rinonzi rakatanga nemusi wa10 Kubvumbi apo vemhuri iyi — avo vaisanganisira vana vemunin’ina vemushakabvu, vazukuru nevamwewo — vakaita mazuva maviri vachirova VaFidelis Mandava .

Vemhuri iyi vanonzi vakaungana pamusha pavo vari gumi vachida kugadzirisa nyaya yavaipomera mufi vachimuti muroyi, saka aifanirwa kuburitsa zvinhu zvake izvo airoyesa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Chief Inspector Charity Mazula, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti inoratidza kusaremekedza upenyu hwevanhu.

Vanoti vakatosunga vanhu vanomwe nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuponda harahwa iyi uye vamwe vaviri vachiri kutsvagwa nemapurisa.

“Mapurisa edu ari kumhanya-mhanya nekuda kwenyaya yemhuri inonzi yakaita mazuva maviri ichirova harahwa yemakore 72 vachiti yaiva muroyi iyo yaiva baba vakanga vasara mumhuri iyi, Fidelis Mandava, vachimuti aiva nechikwambo kana kuti chidhoma.

“Mhuri iyi yekwaMandava yemumusha waMasherema inonzi yaiva yakaungana apo vaitaurira murume uyu kuti aburitse zvinhu zvaaishandisa mukuroya izvo aivaudza kuti akanga asina zvavaitaura izvi uye achiti aisaroya,” vanodaro.

Chief Insp Mazula vanoti mhuri iyi yakatanga kukakavadzana naVaFidelis Mandava vachivamanikidza kuti vabvume kuti muroyi uye nekuvati vaifanirwa kuburitsa zvikwambo zvavo musi uyu.

Vanhu ava vanonzi vakazotema shamhu dzemuti wemuhingi ndokutanga kurova murume uyu vachipanana majana uye vanonzi zuva rekutanga vakamurova kubva na8 dzemangwanani kusvika kuma5 zuva rodoka apo vakazomudzosera kumba kwake uko anga achigara oga.

“Rechimangwana racho, vemhuri iyi vakamuvinga kumba kwake zvakare ndokumuudza kuti aifanirwa kuburitsa zvidhoma nezvikwambo zvake izvo akavaudza kuti ainge asina. Vakaenderera mberi nekumurova neshamu zvakare kutanga kuma11 makuseni kusvika zuva rodoka,” vanodaro Chief Insp Mazula.

Hanzvadzi yemufi uyu inonzi Pauline Nzombe (63) —iyo inonzi yakanga yanzwa nezvekurohwa uku — inonzi akabva rwendo kuti anozvionera akawana mhomho iyi iri mubishi kumurova apo vakabva vazomuregera kuburikidza nekutsiurwa naye ndokumusiya ati rapata.

“Pauline Nzombe akazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kukamba yekwaNgundu zvikazoita kuti murume uyu aendeswe kuchipatara cheNgundu uko akasvikorapwa ndokudzoserwa kumba,” vanodaro Chief Insp Mazula.

VaFidelis Mandava vachiedza kutiza apo vairohwa nechaunga

Pazuva rechitatu, nemusi wa13 Kubvumbi, zvinonzi muzukuru wemushakabvu anonzi Maxwell Matare (37) akazomubvakachira kumba kwake uko akasvikomutakura ndokuenda naye kuchipatara cheMasvingo General Hospital akasvikorapwa ndokudzoserwa kumba.

“Mangwanani emusi wa14 Kubvumbi, mumwe wevanofungidzirwa kuti akamurova nevamwe vemusha anova munin’ina kumuchakabvu, Benard Mandava (53), akazoenda kunoona Fidelis Mandava kumba kwake uko akasvikomuwana afa, nyaya iyi ndokumhan’arwa kumapurisa.

“Zvichakadai, takasunga vanhu vanomwe vanoti Aton Musindo (42), Gift Mandava (48), Edwin Mandava (23), Nyembesi Samu (36), Taurai Hwengwere (42), Benard Mandava (63) naSvodai Tarisai (32,” vanodaro Chief Insp Mazula.

Vanoti vamwe vachiri kutsvagwa nemapurisa ndiPamela Mandava naPatience Mandava avo vanonzi vaipanana majana ekurova muchakabvu izvo zvakazokonzera rufu rwake.

“Tinokumbirisa vanoziva kune vanhu vari kutsvagwa nemapurisa ava vanosanganisira Pamela naPatience Mandava kuti vazivise mapurisa ari padyo navo vatarisane nenyaya yavari kupomerwa yekuponda.

“Isu semapurisa, hatikurudziri mhirizhonga ingava yerudzi rwupi,” vanodaro.

Mutumbi waVaFidelis Mandava wakazoendeswa kuchipatara cheNeshuro uko waiva wakamirira kuongororwa nanachiremba.

Mudunhu iri ndimo zvakare mune murume wechidiki akatema babamukuru vake nedemo mwedzi mishoma yakadarika achivapomera huroyi.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti vatambe zororo reIndependence nePasika zvakanaka pasina kuita mhirizhonga.

“Tinoti mhirizhonga bodo panguva ino yezororo. Vanhu ngavasatore mitemo vachiisa muhomwe dzavo. Mapurisa edu achange azere munzvimbo dzose kuitira kuchengetedza runyararo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey