Kingstone Mapupu
MUNYAYA inoita sefirimu, murume nemudzimai wake vekwaSabhuku Chemhere, kwaMombeyarara kudunhu raMambo Makumbe, kuBuhera — avo vairedza hove nemambure murwizi rweko — vanoti vakapotsa vasiya nyemba apo vakarwisana nenjuzu kwemaawa maviri, ndokuzongodzishaya.
VaLiberty Chabata (48) vanoti vakaenda nemudzimai wavo kurwizi Chirokwe vachida kunotsvaga usavi hwehove ndokusvikowaridza mambure avo kuma11:00 dzemangwanani.
“Takasvika parwizi ndokuwaridza mambure edu ndokutanga kudhonza ini nekumwe vadzimai nekumwe. Nguva dzekuma12 masikati, ndakazonzwa mhepo yakanyanyisa ichitenderera patiri, mudzimai wangu ndokutanga kuny’ura. Ndakatarisa ndokuedza kumudhonza kuti ndimuburitse kunze ndokuona kuti pane chaimudhonzawo ndikabvawo ndatanga kudhonzwa neni.
“Ndakabuda kunze ndikatora danda iro ndakamutambidza akabata ndokutanga kumudhonza ndiri kure naye tichingorwisana tichidzungaidzana mumvura imomo. Mairira mhepo ichibva mudenga yaiva yakawanda.
“Nguva dzava kuma2 masikati, ndakazomupa danda iniwo ndakanga ndave kutaura nerurimi rwandisingazive, ndiyo nguva yaakazobuda,” vanodaro VaChabata.
Vanoti nguva yavairwisana nenjuzu idzi vainy’udzwa pasi pemvura vachinyukurwa mudenga apa vachinwa mvura.
“Nguva yatairwisana nenjuzu idzi yakaita sekunge duku asi takazoona kuti zvakasvika maawa maviri kubva pakatanga kudhonzwa mudzimai wangu kuma12 kusvika kuma2. Mudzimai wangu pakurwisana uku akakururwa tirauzi raaiva akapfeka akasara ava musvo iro ratisina kuzomboona zvachose. Mudzimai wangu anoti panguva iyi aiona zirume zirefu dema raiva nemhotsi dzainy’ura mumvura,” vanodaro VaChabata.
Vanoti vabuda kunze kwemvura apo vamwe vanhu vainge vaungana, vakakuhwidzirwa moto sezvo vakange vave kutonhorwa zvakanyanya kunyangwe zvazvo kwaipisa.
“Zvisinei nekuti takanwa mvura yakawanda uye kwenguva refu, matumbu edu akanga asina kumbozvimbirwa zvakashamisa vanhu, midzimu yedu naMwari zvakatipunyutsa nekuti murwizi umu vanhu vapera kutorwa nenjuzu, zvikuru vana,” vanodaro VaChabata.
Vanoti murwizi rwaChirokwe naMurove munozivikanwa nekuva nenjuzu uyewo neshato dzemidzimu.
“Mumazuva mamwe chete iwaya, takaenda kurwizi rwaMurove tikasanganawo neshato yaiva yakamisa rinoita kunge zenze tikatiza ndokusiya nyaya dzekuredza. Pekutanga, ndakaendawo nemumwe akazobatwa zvakare nenjuzu mushure mekuona chiedza chakanyanyisa,” vanodaro VaChabata.
Vanoti murwizi rwaChirokwe munoonekwa machira machena nematsvuku akayanikwa mutsanga uye vanhu vakatorwa nenjuzu kunharaunda iyi vanogona kudarika gumi.
Sabhuku Chemhere, VaBernard Chemhere (63), vanotsinhira nyaya iyi vachiti njuzu dzanetsa kudunhu ravo rekwaChawatama kwaMombeyarara.
“Tine misha yakawanda yakakomberedza rwizi rwaChirokwe kusanganisira wangu ini, Chigowewe nemimwewo. Kubva kuma1980 kusvika izvozvi, tine vanhu vanodarika gumi vakabatwa nenjuzu. Izvozvi vave kunyanya kutorwa vana vezvikoro zvedu zvemuno.
“Tine svikiro redu remuno rinogara richipa chenjedzo kana njuzu idzi dzichida kutora vanhu iro rinouya kwatiri toendesa mashoko kuzvikoro nekwamambo wedu,” vanodaro Sabhuku Chemhere.
Vanoti nyaya ichangobva kuitika ndeyaVaChabata nemudzimai wavo avo vanoti vakarwisana nenjuzu chikava chishamiso.
“Zvinonzi njuzu idzi dzine hasha nekudaro tinonzi tiite chivanhu masabhuku ose namambo wedu. Chave kunetsa muno mamwe masabhuku acho kusvika kumadzishe vave kuti vanonamata havaite zvechivanhu. Ini wacho nditori mupositori weJohane Masowe, asi ndakabvuma ndikati tinotungamidza vasinganamate pachirongwa ichi,” vanodaro Sabhuku Chemhere.
Vanoti dzidziso yekuti vana vasaende padyo nemadziva emurwizi urwu yakatoendeswa muzvikoro zvinosanganisira Chawatama.
“Tinonzwa murwizi urwu muchiridzwa ngoma nembira, kukuma kwemombe uyewo nezvimwe zvipfuyo zvichichema nekunzwa vanhu vanodzvura asi vasingaonekwi,” vanodaro Sabhuku Chemhere.
Vanoti zvimwe zvinoyera munharaunda yavo kubvira kwemoto mumakomo akavakomberedza anosanganisira Gombe, Dembwa, Gwiranenzara, Chimumvuri, Hotera neMarirangwe umo vanhu vanonzi vanorasika zvekuswera kana kuraramo vachishaya nzira dzekudzokera kudzimba dzavo.
“Vanhu hatichatevedza chivanhu, tikaona makomo aya achibvira moto tinoziva kuti kune maguta mwaka iwoyo. Hatibvumidze vanhu kukwira mumakomo aya vachinoshereketa, munzizi umu tava kuona vanhu vachinorasira zvinhu zvavo kana makona. Munguva yadarika, takaona tirangi yaiva izere midziyo yechivanhu,” vanodaro Sabhuku Chemhere.
Mbuya Erika Masodzi Matototi (77) vekwaSabhuku Chemhere vanova svikiro vanoti vanhu vanouraiwa nenjuzu vari kuwanda mudunhu ravo nekuda kwekutyora chivanhu.
“Vana vapera nenjuzu saka tinokurudzira vanhu kuti vasagezere murwizi urwu nesipo inonhuhwa.
Ndinonzwa ngoma dzichirira murwizi umu, huku dzichikukuridza. Hongu, njuzu dzinobata vanhu vakuru asi dzinonyanya kuda vana nekuti havana zvitadzo,” vanodaro Mbuya Matototi.
Vanoti hapana akazvipira kuita chivanhu chekubika doro kuti kuitwe mutambo murwizi urwu wekudzikamisa njuzu idzi.
“Panoburitswa mitumbi yevana vanotorwa, tinoona zvimwe zvitunha zvakazorwa dota kureva kuti vanenge vakachengetwa nenjuzu,” vanodaro Mbuya Matototi.
Vanokurudzira vanhu kutevedza tsika dzakare dzakaita sekuita madiramhamba emumusha nekubvisawo mbudzi dzezvimbwazukuru.
“Ngatidzokerei kuchinyakare chedu, honai tava kupedzesa vana vasina mhosva. Misha haisisina madiramhamba, mbudzi dzezvimbwazukuru hadzichabviswa uye jira rerukusha raiva rakakosha zvikuru hakusisina.
‘‘Hamheno ngatimboenzanisai zvinamato zvacho nechivanhu tione chinoshanda,” vanodaro Mbuya Matototi.