20 000 voshungurudzwa mudzimba nyika yose

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
20 000 voshungurudzwa mudzimba nyika yose Mhirizhonga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KANZURU inoona nezvekurwiswa kwemhirizhonga munyika, yeAnti-Domestic Violence Council of Zimbabwe (ADVCZ), iri kukurudzira veruzhinji kuti vabatane mukumhan’arwa kwenyaya idzi.

Kurudziro iyi inouya panguva iyo nyaya dzinosvika 20 000 dzinonzi dzakamhan’arwa kumapurisa mugore ra2016 nera2017.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare nguva pfupi yadarika, Mai Eunice Njovana — avo vanova sachigaro wekanzuru iyi — vanoti mhirizhonga inopedzwa bedzi nemushandirapamwe uye kufumurwa kwevapari vemhosva dzakadai.

“Hazvibatsiri kuti vanhu vari munharaunda vavanziridze vapari vemhosva. Kana munhu akabata mwana chibharo kana kumbunyikidza muvakidzani wako neipi zvayo nzira, zvakakosha kuti mumhan’are nekuti kana mukaviga nyaya idzi, zvinoita kuti vapari vemhosva vawane mikana yekuenderera mberi vachikushungurudzai. Zvinoda zvakare kuti panzverwe kuti zvii zvikonzero zvakanyanya izvo zviri kukonzera nyaya dzemhirizhonga kuti tikwanise kudzidzivirira,” vanodaro.

Mai Njovana vanoti kanzuru yavo ine zvirongwa zvekushambadza mashoko apo vanopinda munharaunda dzakasiyana – kusanganisira kumaruwa – vachifundisa vanhu pamusoro pemhando dzemhirizhonga uye kuti dzinomhan’arwa kupi kana dzichinge dzaitika.

“Kune madzimai nevarume vari kuwanikwa vachishingirira muwanano munenge muine mhirizhonga asi pamwe pacho pachizoguma nerufu. Hazvirevi kuti kana uri muwanano unofanira kufiramo, unotogona kubudamo uri mupenyu pane kushingirira kusvikira wafa,” vanodaro.

Mai Njovana vanopa muenzaniso wenyaya yemudzimai anonzi akapfurwa nepfuti nemurume wake pamwe chete nehanzvadzi yake mwedzi wadarika.

Olivia Zenda (42) nehanzvadzi yake Robert Zenda (49), vanonzi vakapfurwa pamberi pevana vemudzimai uyu vatatu, amai vake nemusikana webasa neimwe hama yepedyo. Mai Njovana vanoti vabati vemitemo vanofanira kushingirira kurwisa nyaya dzemhirizhonga kuburikidza nekupa zvirango zvakakura kuvapari vemhosva uye kuti vanoona nezvekumbunyikidzwa nenzira yebonde vaite basa ravo nemazvo.

Mai Precious Taru, avo vanova programmes manager kusangano rinomiririra madzimai reMusasa Project, vanoti magwaro ekumapurisa eZimbabwe Republic Polic anoratidza kuti mugore ra2016 kwakamhan’arwa nyaya 1 993 dzemhirizhonga idzo dzaikonzerwa nevarume apo muna2017 nyaya idzi dzakawedzera zvakapetwa kuenda pa17 673.

Mugore ra2017 zvakare, varume 2 461 vanonzi vakamhan’ara nyaya dzemhirizhonga idzo dzaikonzerwa nevakadzi apowo 16 067 dzakamhan’arwa nemadzimai.

Mai Magdalene Chavunduka vanova murongi kukanzuru yeADVCZ vanoti vane zvirongwa zvekusimudzira raramo yevanhu vanenge vari kumbunyikidzwa kodzero dzavo kuburikidza nekuvawanisa ruzivo uye kuvabatsira mumabhindauko akasiyana.

“Bazi rinoona nezvevanhukadzi rinopa madzimai mikana yekuwana mari dzezvikwereti kuburikidza neZimbabwe Microfinance Bank nechinangwa chekuvatsigira mushure mekuona kuti vazhinji vanotya kumhan’ara nyaya dzemhirizhonga nepamusaka pekuti vanenge vachizeza kuti variritiri vakaita sevarume vavo vanozosungwa,” vanodaro.

Kanzuru yeADVCZ iripo kubatsira vose vari kushungurudzwa nenyaya dzemhirizhonga uye mapazi ayo anowanikwa kumatunhu ose munyika.

Mutemo unorwisa nyaya dzemhirizhonga weDomestic Violence Act Chapter 5:16 unotsanangura kuti mhirizhonga chiitiko chose chiri kunze kwemutemo chinoita kuti munhu akuvare panyama, kushungurudzika mupfungwa kana kufa zvichisanganisira kurwisana, kumbunyikidzwa nenzira yebonde nemaitiro anodzikisira chimiro chemunhu.

Zvimwe zvinotorwa semhirizhonga ndezvinoti kushungurudzwa zvakanangana neupfumi, zvikuru kunyimwa mari yakakwana mumba kana kurambidzwa kuenda kubasa, kumanikidzira kuongororwa humhandara kuvanasikana, kutengesa midziyo pasina mvumo yemumwe muwanano, kushungurudza vakaremara kana vakwegura, kushaiswa magariro akanaka kuvana nekunyangira kana kuteverera munhu iye asingadi.

Share This:

Sponsored Links