Uncategorized

2017: Gore rizere zvishamiso2017: Gore rizere zvishamiso…‘Weti yegudo chamvari’ … Hari izere mbeu yevarume …Akadya tsvina yemukadzi …Opfekera dhongi condom …Maporofita otenga ‘varoyi’ … 100 zvombo zvevarume

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
2017: Gore rizere zvishamiso2017: Gore rizere zvishamiso…‘Weti yegudo chamvari’ … Hari izere mbeu yevarume …Akadya tsvina yemukadzi  …Opfekera dhongi condom …Maporofita otenga ‘varoyi’ … 100 zvombo zvevarume Madzibaba Steven Mugariri

Kwayedza

Tandayi Motsi
GORE ra2017 rasvika kumagumo uye kune zvakawanda zvakaitika mukati maro izvo zvinofadza pamwe nekusuwisa. Vamwe vanoti ranga riri rezvishamiso kana kuti minana.

Kwayedza — bepanhau revanhu iro rakanzi nesangano reZAMPS ndiro rava panhamba yepiri pakufarirwa nevaverengi pamapepa anobuda pasvondo muZimbabwe — svondo rino inokupai dzimwe dzenyaya dzakaita mukurumbira muna 2017.

* * *

NDIRA:
“Ndine hari izere mbeu yevarume”: – Mukadzi shoroma anogara mumusha weBorrowdale, muHarare, ari kuita kuganza chaiko achiti aita mari nembeu yevarume vose vaanoshinha navo – iyo yaanokohwa, oichengeta mukadende kanogara kazere kari muzihari umo inozodyiwa nezvidhoma nenyoka semhiko dzake.

“Akanwiswa ropa kumakuva”: – Kakomana kane makore 15 okuberekwa, ako kanogara nevabereki vako kwaChinhamora, kuDomboshava, kanoti nguva ichangodarika kakatorwa husiku nevanhu vatanhatu avo vanofungidzirwa kuti varoyi apo kainge karere mumba, ndokuendwa nako kumakuva, uko kakamanikidzwa kunwa ropa rainzi ndere vanhu vakafa.

* * *

KUKADZI:
“Ndine 100 zvombo zvevarume”: – Murume wekuChitungwiza – Madzibaba Steven Mugariri (33), uyo anozviti muporofita ari kushandira vanhu nemumwe mutoo – ane mazikii aanoti ane simba rekukiya “zvinhu” zvevarume kana mukadzi anoita zvehupombwe achizvichengetera muzihari rake zvekuti muridzi wezvinhu izvi anosara asina basa.

“Anokurunga muteuro nenhengo yake”: – Mambo Murambwa vekuMhondoro-Ngezi vanoti dare richatonga mumwe muporofita ari kushandira mudunhu iri – uyo ari kupomerwa kuita mashura pajekerere apo anonzi akanyika nhengo yake yesikarudzi mumugomo maive nemvura yekunwa, iyo akakurunga nayo, pashure ndokuzoti vanhu vainwe nekuigeza kumeso kwavo semuteuro wekutonhodza ngozi inonzi iri kushungurudza imwe mhuri.

* * *

KURUME:
“Vakadzi vofuma vari musvo . . . vamborara vakapfeka”: – Vakadzi vakuru nevasikana vanodarika 200 vekwaNhehweyembwa, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vanonzi vakafuma vakabviswa zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge vamborara vakapfeka zvikazowanikwa zvakaunganidzwa mune rimwe gomo reko.

* * *

Charles “Marabha” Milis

KUBVUMBI:
“Kapfupi une zvidhoma: Marabha”:– Vaimbi uye vari shasha pamitambo yemusara (madhirama) Freddy “Kapfupi” Manjalima naCharles “Marabha” Milis Muparume vari kukandirana makobvu nematete. Achiti haasi kuita zvemusara, Marabha anonanga Kapfupi achimuti ari kumurovesa nezvidhoma.

“Ndinodyiswa nhunzi, honye”:– Mukadzi wechidiki anogara kuChitungwiza, Lissa Chikerema, asi kumusha achibva kuMhondoro-Ngezi, svondo rapera akabongomora kuchema achiti atambura neupenyu hwekugara pasi pemvura apo njuzu dzinomudyisa sadza, nhunzi, honye nehove mbishi.

* * *

CHIVABVU:
“Mazizi ojamuka . . . ojobora mhuri pamadiro, achivaitira madororo”:– Mhuri igere mumusha weWhitecliff, pedyo neKuwadzana Extension, muHarare inoti yaoneswa chitsvuku nekujoborwa nemazizi pamwe nekuitirwa madororo.

* * *

Weti yegudo

CHIKUMI:
“Weti yegudo chamvari:– Munyaya inoshamisa zvikuru, vamwe vanhu — varume nevakadzi zvose — vanonzi vari kuita chipata-pata kutenga weti yegudo pamusika vachinzi inobatsira vanodanana kana vari “muimba huru”.

“Akaremara apuruzirwa nevaroyi”:– Mukadzi wemuguta reHarare, Gladys Mutevani (48), anonzi akwanisa makore 31 achingogara mumba bedzi uye asingabude kunze, izvo zvinonzi zvakatanga apo akapuruzirwa nekubatwa-batwa muviri wake nevanofungidzirwa kuti varoyi.

* * *

Takudzwa Tandi

CHIKUNGURU:
“Jaya ropfekera dhongi condom”: – Mukomana jaya, Takudzwa Tandi (21), wekwaMusana, kuBindura, anoti haatomboziva chinomugara -zvichida ishavi – zvekusvika pakudanana nedhongi, iro raanopengesana naro murudo, achiita rekupfekera makodhomu sezvinonzi imhandara.

* * *

NYAMAVHUVHU:
“Zvidhoma zvakaba US$900 pachikoro”:– Munyaya inoti kushamisa igoti kusetsa, zvidhoma zviri kunzi zvakaba mari yechikoro inosvika $933, iyo yaive yabviswa nevabereki pachikoro cheKanyoka Primary School chiri kwaChikwizo, kuMudzi South mudunhu reMashonaland East.

“Nhabvu yaora: PSL” :– Sangano rePremier Soccer League, iro rinoronga mitambo yeCastle Lager Premiership rinoti vatambi vekumberi vezvikwata zvakasiyana vanofanira kukwiridzira masokisi avo kuti vanwise mabhora akawanda pakurwira mubairo weGolden Boot sezvo izvi zvichibatsira mukukwezva vatsigiri vemutambo uyu.

* * *

Madzibaba Tinapi akamanikwa mubako

GUNYANA:
“Muporofita akamedzwa nebako rinoera”:– Muporofita wekuGuruve, Madzibaba Tinashe Tinapi (30) – wekuda kuwedzera masimba echiporofita nekunopinda mubako rinoyera rekuChiweshe – akazodemba apo “akamedzwa” kana kuti akadhonzerwa muninga nevanhu vaasina kuziva avo vanofungidzirwa kuti manyin’inya kana kuti madzimudzangara, bako racho richibva ravharika musiwo iye arimo.

* * *

Zvanyadza Masvosva

GUMIGURU:
“Okumurwa hembe nezvidhoma . . . kusiiwa achinge Zodwa”:– Mukadzi wekwaMambo Chipuriro, kuGuruve —Zvanyadza Masvosva (35) — anoti atambiswa nhova nemanenji ari kuitika kwaari ekuti anongofugurwa kana kukururwa mbatya dzaanenge akapfeka, kusanganisira dzemukati, nezvidhoma — osiiwa asina chinhu, kuita kunge Zodwa.

“Omera sora . . . achibuda waya”:– Mashura ari kuitika pamusikana wekuMagunje, kuHurungwe anopedza mate mukanwa – anomera sora nehuswa achibuda waya mumakumbo ake, umo munozodzidziuka mazironda anorwadza zvikuru.

Elizabeth Mubvindi achiratidza bhaketi raanoti akaitira tsvina yakazodyiwa nemurume wake

“Mukadzi ndinomuda uyu . . . Akaita tsvina ndikaidya”:– Murume wekwaSeke ari kudura pasina kana kunyara kuti svondo rapera akasvika pakukambura kudya tsvina yakaitwa nemudzimai wake iye achiona semhiko yerudo uye kuti mukadzi uyu asaita chipfambi zvachose, asi kuda iye bedzi. Gibbon Muzemba (47) anoti akadya tsvina yemukadzi wake, Elizabeth Mubvindi, semhiko yaakapihwa neimwe n’anga izvo zvakapindirana nezvaainge audzwa kuti aite nemumwe muporofita.

* * *

MBUDZI:
“Maporofita otenga ‘varoyi’”:– Maporofita nen’anga vane mukurumbira munyika muno vari kupomerwa kushandisa vamwe vanhu – avo vavanobhadhara – kuti vaite “mabhidhiri”, kunova kureurura kana kukupura zvemanyepo senzira yekutsvaga mbiri kuti vagonzi vanogona kushandira nekubatsira veruzhinji mumatambudziko akasiyana.

“ED ogadzwa saPresident”:– Mutungamiriri weZimbabwe mutsva, Cde Emmerson Dambudzo Mnangagwa (ED) vachagadzwa zviri pamutemo pachigaro ichi neChishanu chino. Cde Mnangagwa vakasarudzwa kuti vatore chigaro ichi neZANU-PF Central Committee nemusi weSvondo wadarika uye kugadzwa kwavo kunotevera kusiya chigaro kwevaimbove mutungamiriri wenyika, mhare yeChimurenga Cde Robert Mugabe neChipiri chino.

* * *

Kudzanayi Nyundo

ZVITA:
“Muroora orova tezvara nebhurugwa”:– Murume wekwaChivero, kuMhondoro, akashaya pekupinda nekunyara padare ramambo weko apo muroora wake akambosendeka nyadzi padivi, ndokukumura chipfeko chake chemukati pajekerere, icho akashandisa kurova nekupukuta nacho tezvara uyu kumeso. Kudzanayi Nyundo (24) akaita izvi senzira yechivanhu yekuratidza ruzhinji kuti iye natezvara wake, Sande Mwala, vanodanana uye vakashinha vose.

“Chibaba . . . Omereswa mazamu nenyoka”: – Kana vamwe vachitaura vanoti, “Hakuma baba vakadaro!” Murume kumera mitumba yemazamu anodarika evanhukadzi?

Izvi ndizvo zviri kuitika kumurume anoshanda saforomani papurazi riri kuShamva, kuMashonaland Central uyo omera mitumba yemazamu mushure mekunge auraya mukweshwa wenyoka “yemuridzi” iyo yainge yamupindira mumba make iye arere husiku. Zexy Ndelema (46), uyo anova foromani papurazi reChipunza padyo nenzvimbo yemabhizimisi inozivikanwa nekuti Kariba, mumugwagwa unobatanidza Harare neShamva, anoti ashaya zano rekuita nemitumba yemazamu aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey