2020 auya nezvitsva

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

MAKORE apfuura, kusanganisira gore rino ra2019, takanga takanyanya kunangana nezvidzo zveuvaranomwe padanho rino reO-Level pamwe chete nereA-Level.

Zvinodaro nekuti isu veKwayedza shuviro yedu ndeyekuti vadzidzi muwane zvekuverenga zuva nezuva kubva mubepanhau redu.

Kurudziro yedu ndeyekuti mumwe nemumwe akwanise kuverenga, kutaura, kunyora nekunzwa mutauro wedu weChiShona.

Mugore ra2020 tichange tave kuita zvidzidzo zvinonangana nemutauro wedu weShona zvichitevera kuparurwa kwebumbiro idzva redzidzo – New Curriculum – iro rave kuti mudzidzi mumwe nemumwe anofanira kunge achinyora bvunzo dzinonangana nemutauro wake.

Naizvozvo tichange tave kubata zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvinoitwa kumutauro kubepa rekutanga nerechipiri.

Hazvireve kuti hatichaiti uvaranomwe zvachose, kwete, tichange tichiitawo zvidzidzo zveuvaranomwe (mabhuku ekuverenga enganonyorwa nenhetembo dzinodzidzwa paO-Level) asi kwete svondo roga roga.

Tichapota tichikanda mibvunzo nemhinduro dzemamwe mabhuku anenge achidzidzwa padanho reO-Level kuitira kuti tibatsire mudzidzi wese anenge achiita Shona.

Maitiro atichange tichiita mutauro muchikamu chino ndeekuti vadzidzi munenge mave kukurudzirwa kuverenga bepanhau redu svondo rimwe nerimwe muchipa mhinduro dzamunofungidzira kuti ndidzo dzinoenderana nemibvunzo yamunenge mapihwa.

Tichange tichikupai mibvunzo inonangana nemutauro uye imi mopindura mibvunzo iyi muchishandisa nhamba dzedu dzeKwayedza dzinoti 0714 200 004 kana email inoti [email protected].

Ndinoongorora mhinduro dzamunenge matumira ndokubatsirai pamunenge musina kuita zvakanaka. Pasvondo rinenge richizotevera ndinodzosa zvakare mibvunzo yandinenge ndakupai pamwe chete nemhinduro dzingatarisirwa kupindura mibvunzo yacho.

Mudzidzi wose akasununguka kupinda achipa pfungwa dzake muchikamu chino zvisinei nekuti uri mufomu yechingani.

Tinotarisira kuti vana vefomu yekutanga kusvika yeChina vange vari ivo vanopinda mumakwikwi aya.

Kana uchinge uchipa mhinduro yako, nyora zita rako rizere, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri uye nzvimbo yaunogara.

Ndinodaro nekuti pamwedzi woga woga isu veKwayedza tichange tichihwinhisa mibairo yezvinhu zvakasiyana-siyana zvinosanganisira mabhuku ekuverenga, mabhuku ekunyorera, zvinyoreso nezvimwe kune vanenge vachikunda zvakaraudzira mumakwikwi aya.

Vabereki, heunoi mukana wekuti munge muchitengera vana venyu bepanhau reKwayedza svondo rega rega kuitira kuti vave nyanzvi dzemutauro wedu weChiShona.

Vakuru vezvikoro nevadzidzisi kurudziro yangu ndeyekuti tengerai vadzidzi bepanhau reKwayedza muriise mumaraibhurari enyu.

Ndinozviziva kuti dzimwe nguva kutenga mabhuku ekuverenga hakusi nyore saka heunoi mukana wekuti vadzidzi vabudirire vachishandisa zvishoma zviripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>