Uncategorized

203 vane Covid-19

03 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
203 vane Covid-19

Kwayedza

Tandayi Motsi
HUWANDU hwevanhu vavhenekwa ndokuwanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 — muZimbabwe hwakwira kusvika pa203.

Mashoko aya akaziviswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nemusi weMuvhuro richiti vanhu vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa vasvika 203 zvichitevera vanhu 26 vakabatwa vaine chirwere ichi musi uyu.

“Vanhu ava vanosanganisira 22 vakabva kuSouth Africa, vatatu vakadzoka kubva kuBotswana nemumwe chete agara ari munyika muno,” rinodaro bazi iri.

Vanhu vavhenekwa coronavirus kubvira musi wa30 Kurume 2020 kusvika zvino kumativi ose enyika vave 46 021.

Pavanhu 203 vabatwa vaine Covid-19 ava, 29 vavo vakanaya kubva kuhurwere uhu kuchiti vamwe vana (4) vakafa.

Harare ndiyo ine vanhu vakawanda vabatwa nechirwere ichi vanova 96, ichiteverwa neMasvingo (31), Bulawayo (18), Matabeleland South (16), Mashonaland West (12), Midlands (10), Manicaland (8), Mashonaland East (6), Matabeleland North (3) neMashonaland Central ine vanhu vatatu.

Bazi reutano nekurerwa kwevana rinokurudzira veruzhinji kuti vabatsire mukurwisa kupararira kweCovid-19.

“Kupfeka masiki kunofanirwa kubatsirwa nedzimwe nzira dzekudzivirira dzinosanganisira kuita hutsanana hwepamusoro uye kusiya chinhambwe chinokwana mita imwe chete pakati pemunhu nemunhu pose pamunenge muri,” rinodaro bazi iri.

Zvichakadai, vasungwa vana nemagadhijeri maviri kumajeri ari kumuganhu wenyika anoti rekuBeitbridge nePlumtree vakavhekwawo ndokuonekwa vaine coronavirus pasi pechirongwa chekudzivirira kupararira kwechirwere ichi mumajeri.

Pavasungwa ava, vaviri nemugadhijeri mumwe chete ndevekujeri rekuPlumtree uye vamwe vacho ndevekuBeitbridge.

Chirongwa chekuvheneka Covid-19 kumajeri chakatangira kumajeri ari kumuganhu weZimbabwe sezvo ari iwo ari kuchengetwa vasungwa vanenge vabva kune dzimwe nyika.

Mune chimwewo chiitiko, mapurisa anoti akasunga vanhu 94 vakange vapinda muZimbabwe zvisiri pamutemo panguva iyo Hurumende iri kusimbisisa matanho ekuona kuti vose vari kubva kunze kwenyika — kunyanya nyika dzine Covid-19 yakawanda — vavhenekwa uye kuti vachengetedzwa zvakanaka pavanenge vachiongororwa apo vanopinda muno.

Mutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Service (ZPCS), Superintendent Meya Khanyezi, vanoti vanhu vakavhenekwa kujeri reBeitbridge nePlumtree vanosvika 274. “Pavanhu 216 vakavhenekwa coronavirus paPlumtree Prison, vatatu vakawanikwa vainayo uye vatatu zvakare kubva pa58 vakavhenekwa paBeitbridge Prison vaive nechirwere ichi.

“Senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, tatora matanho ekuti hapana munhu anotenderwa kuenda kumajeri aya uye matirongo acho akafiritwa nemushonga. Hatichatendera zvakare vanhu vanobvakacha uye tambomisa kubuda kwevanhu vose kubva mumajeri aya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links