274 vafa pasvondo

21 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
274 vafa pasvondo Dr Mahomva

Kwayedza

Patrick Shamba Mupepeti

VANHU 274 vafa nechirwere cheCovid-19 musvondo rimwe chete radarika apo denda iri rinoratidza kuti rarova Zimbabwe kechipiri uye zvakaipisisa kubva patanga kuonekwa chirwere ichi muZimbabwe mumwedzi waKurume gore rapera.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti mukati mevhiki rimwe chete radarika kusvika nemusi weChipiri svondo rino – kubva musi weChitatu 13 Ndira kusvika Chipiri 19 Ndira – vanhu 5 436 vawanikwa vaine Covid-19 apo 274 vevarwere ava vakafa.

Nemusi weChipiri chino bedzi, vanhu 52 vakafa neCovid-19 mushure mekunge vamwe 60 vashaya neMuvhuro.

“Kubva patanga kuonekwa Covid-19 muZimbabwe gore rapera, vanhu vawanikwa vaine chirwere ichi vasvika 28 675 apo 18 110 vavo vapona asi vamwe 825 ndokufa,” rinodaro bazi iri.

Asi svondo ranyanya kupisa Covid-19 – kubva payatanga muno – nderichangodarika sezvo pafa vanhu vakawandisa kana zvichienzaniswa nemamwe masvondo.

Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti vanhu vashaya muZimbabwe nechirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose ichi musvondo rimwe chete iri (274) chikamu che33.2% chevafa kubva patanga kuonekwa Covid-19 muno gore rapera.

Izvi zvinorevawo kuti vanhu 39.1 vange vachifa pazuva mukati mesvondo irori.

Zvinoratidzawo kuti vanhu 5 436 vawanikwa vaine Covid-19 mukati memazuva manomwe iwaya chikamu che18.95% chevarwere vabatwa vaine denda iri kubva kutanga kwa2020.

Mazuva manomwe ashaya vanhu 274 aya ndeanoti 13 Ndira kwakafa 38; vamwe 47 ndokufa musi wa14 kuchiti 30 vakashaya musi wa15 Ndira.

Musi wa16 Ndira muZimbabwe makafa varwere 17, vamwe 30 ndokushaya musi wa17. Zuva rakatevera racho, 18 Ndira ndiro rakafa vanhu vakawandisa kubva patanga denda iri muno – 60.

Nemusi weChipiri, rinova zuva rechinomwe, Zimbabwe yakarasikirwa nevamwe vanhu 52 nekuda kweCovid-19.

Mukati memazuva manomwe aya, vanhu 5 436 vakawanikwa vaine Covid-19 chikamu che18.9% chevanhu vabatwa vaine denda iri nyika yose kubva gore rapera (28 675).

Hurumende iri kutora matanho ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 ayo anosanganisira kuti vanhu vambogara kudzimba kudzimara svondo rekutanga remwedzi unouya apo matanho aya achatariswa patsva.

Veruzhinji vari kukurudzirwawo kuti vasaungane, vopota vachigeza mawoko avo nesipo nemvura inochururuka uye vachipfeka mamasiki nemazvo.

Vachitaura muimwewo nyaya ine chekuita nedenda iri, Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti Zimbabwe pari zvino iri mushishi kugadzirira kuzogoverwa kwemushonga wekudzivirira Covid-19 (vaccines) kumatunhu ose enyika.

“Zvimwe zvatiri kuita kugadzirira kuzogoverwa kwemushonga wekudzivirira chirwere ichi kana uchinge wauya.

“Pane zvakawanda zvatinofanirwa kuita – kusanganisira kuti ndiani achabaiwa majekiseni aya, huwandu hwevanhu vacho uye kuti mushonga wacho unosvitswa kwavari sei,” vanodaro Dr Mahomva.

Zimbabwe inotarisirwa kuwana majekiseni anodarika 3 miriyoni pasi pechirongwa chiri kutungamirirwa nesangano reAfrica Union.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey