Musagarire mawoko: Mugobo

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Musagarire mawoko: Mugobo

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUIMBI weSungura ari kusimukira, Charles Mugobo, wechikwata cheNgoma Express anoti vechidiki vanofanira kushandisa simba nenjere dzavo mukuronga ramangwana ravo.

Muchinda uyu akataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mushure mekubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Zvishandwa iro rine nziyo nhanhatu.

“Ndiri kufara chaizvo kuti ndakakwanisa kutsikisa dambarefu rangu rekutanga zvisinei nekuti ndakasangana nematambudziko akawanda ayo andakakunda kupfurikidza nekushingirira kwandakaita. Chinangwa changu chikuru pakutsikisa nziyo dzangu ndechekupa dzidziso kune vemazera ese zvine chekuita netsika nemagariro pamwe nekupa chenjedzo, kunyanya kune vechidiki,” anodaro Mugobo.

Mugobo anoenderera mberi achiti, “Padambarefu rangu iri, ndakanyanya kuda kudzidzisa vechidiki kuti vazive kuti ramangwana ravo riri mumawoko avo nemafungiro avo. Kambo kanonzi Zvishandwa ndiko kandakabuditsa mashoko aya ndichiti vechidiki shandisai mawoko nenjere dzenyu mukuvaka ramangwana renyu nekuti vose vatungamiriri nevane mabasa akanaka nhasi vakawana zvese izvozvo kupfurikidza nekushandisa njere nemaoko avo.”

Mugobo anoti mazuvaano kune vamwe vechidiki vari kugarira mawoko vasingazive kuti nguva inenge ichitopera.

“Vechidiki shandai nesimba kuitira kuti kana mava nemari yenyu kana hupfumi hwenyu veruzhinji vati pakaitwa zvishandwa apa kwete kungochema-chema. Ndinopa chenjedzo yekuti kugarira mawoko nepfungwa hakuna chakunounza asi kutambudzika chete mune ramangwana revechidiki,” anodaro.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu idzva iri dzinosanganisira Charity, Kupfimba Nenhema, King of Chipinge naRufu.

Mugobo anoti akatanga kuita zvekuimba muna 2012 uye anotarisira kuita mashoo kunzvimbo dzakasiyana-siyana munguva pfupi iri kutevera.

Anoti achange achiita mamwe emashoo aya nemuimbi ane mukurumbira ari shasha zvakare yemitambo yemadhirama Freddy ‘Kapfupi’ Manjalima.

“Mashoo aya tiri kuronga kutandadza veruzhinji tichivapa nzwisa yenziyo dziri padambarefu redu idzva iri. Tinoda kufamba namukoma Kapfupi nekuti vanotibatsira kutsvaga vatsigiri sezvo vachizivikanwawo neveruzhinji kupfurikidza nemadhirama avo pamwe nekuimba,” anodaro Mugobo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey