‘30 Years ndiri pfambi’

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘30 Years ndiri pfambi’ Juliet Mada

Kwayedza

Abel Ndooka

MUDZIMAI anoita basa rekutengesa muviri wake kuChiredzi anoti ava nemakore 30 “achirova ndima” asi ava kudemba chakamuita kuti aite chipfambi sezvo muroora wake ava kugara achiudza mwanakomana wake kuti, “Amai vako ihure”.

Zvisinei, amai ava vanoti chipfambi chavo ndicho chakavawanisa mari yavakapinzisa vanakomana vavo vaviri chikoro — kusanganisira murume waiye muroora ava kushandisa basa ravamwene vake sechitukiso uyu.

Juliet Mada (46) — uyo anozivikanwa mubasa rake kuChiredzi saTete Mada — anoti ave nemakore 30 “achifadza customer”.

“Ndava nemakore ndichitengesa muviri wangu uye ndizvo zvakakudza vana vangu vaviri. Mumwe wacho mudiki akaroora asi muroora wangu anotuka murume wake — mwanakomana wangu — achiti, ‘Futi amai vako ipfambi, vanopinda mumabhawa’.

“Havasati vambondiona, asi vanongonzwa kuti amwene venyu kuChiredzi uko vari kuita chipfambi, vanopinda mumabhawa.

“Zvinhu zvinondibata zvikuru uye zvinondirwadza kuti muroora anondidaro asi hapana zvandingaite.

Chaasingazive muroora uyu ndechekuti chihure changu ichocho ndicho chakatochengeta vana vangu — ivava vava varume vake nhasi uno — ndikavaendesa kuchikoro,” vanodaro Tete Mada.

Vanoti vakatanga kuita zvekutengesa muviri vaine makore 18 okuberekwa mushure mekunge vasiiwa nemurume wavo vangoita vana vaviri apo akange awana mumwe mukadzi.
Tete Mada vanoti vabereki vavo vakashaika ivo vaine makore 16 okuberekwa vakabva vatongoroorwa ndokuita mwana wekutanga vave nemakore 18.

Murume wavo akazoroora mumwe mudzimai izvo zvakaita kuti agare achivashungurudza.

Tete Mada vanoti vakazoenda kuSouth Africa uko vakanotanga zvekutengesa muviri ndokuzodzoka muZimbabwe vave kushandira kuChiredzi.

“Ndakaroorwa ndichiri mudiki, ndiine makore 16 apo ndakaita mwana wangu wekutanga. Mwana wechipiri ndakazomuita ndava nemakore 18 asi ndakasiiwa nemurume achienda kumumwe mudzimai.

Ndipo pandakazoenda kuSouth Africa kunoshanda kumapurazi ndikazodzidziswa chipfambi.

“Ndakazodzoka kuno ndatova mazviri zvechipfambi, ndava hure hombe uye handina kuzomboroorwa zvakare,” vanodaro.

Vanoti chipfambi chemazuva ano hachichabhadhara kana chichienzaniswa nechekare apo vaikwanisa kutenga midziyo yemumba inosanganisira mibhedha, mawodhuropu nezvimwe.

“Isu panguva yedu kare, ndakakwanisa kuendesa vana kuchikoro uye ndikatengawo midziyo yemumba. Ndinonzwira tsitsi vana vemuzuva ano, mari yavanowana haina zvaichatenga, vari kubhadharwa mari yechingwa chaicho.

“Inini iye zvino ndave kuita zvemabhizimisi ekutengesa zvakasiyana kuti ndirarame.”

Pavanakomana vaTete Mada, mukuru wacho ari kuSouth Africa uko anoita mabasa akasiyana kuchiti mudiki ari kugara kumusha kwababa vake nemudzimai wake kuChiredzi kwakare.

Tete Mada mumwe wemadzimai vari mubasa rekutengesa muviri avo vanoshanda nesangano reNational AIDS Council (NAC) neCentre for Sexual Health and HIV/AIDS Research Zimbabwe (CeSHHAR) mukukurudzira vanhukadzi vanotengesa miviri kuti vazvichengetedza mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS uye kuti vashandise dziviriro yakaita semakondomu pose pavanoenda pabonde.

Vanoti vakabatwa kuti vane utachiona hweHIV mugore ra2007 uye ndipo pavakatanga kunwa mushonga wemaAnti-retroviral drugs (ARV).

“Tinosangana nematambudziko akasiyana mubasa redu rekutengesa muviri sekurohwa uye ini HIV ndimo mandakaiwanira.

“Ndakatanga kunwa maARV mugore ra2007. Iye zvino kupinda mubhawa kwandave kuita ndinenge ndichibatsira vasikana vechidiki ndichivakurudzira kuti vazvichengetedze uye kuti vazive kuti bonde hariitwe pasina kondomu nekuti Chiredzi iri pamberi nyika yese panyaya dzezvirwere zvepabonde,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti iye zvino haachatengese muviri wake asi kuti ave kuita rimwe bhindauko.

Tete Mada vanoti nhamo ndiyo iri kutuma vamwe vasikana vechidiki kupinda mubasa rekutengesa miviri yavo.

Vanoti ivo nemamwe ma‘‘peer educators”, vanoshanda neNAC neCeSHHAR mukuita basa rekuchengetedza kodzero dzevechidiki vachivakurudzira kuti vasamhanyire kuenda pabonde uye kana vatanga zvekutegesa muviri, vozviita vaine dziviriro.

“Ini ndine rudo nevasikana ava nekuti ndinoziva kuti mubasa rekutengesa muviri iri munosanganikwa nezvakawanda. Saka ndinotomubvunza kuti ari kunwa mushonga wePrEP here kana maARV.

Chimwe chikuru ndinovaudza kuti vagare vaine makondomu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links