$40m yekubatsira vadzidzi

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
$40m yekubatsira vadzidzi Prof Murwira

Kwayedza

Farirai Machivenyika
HURUMENDE inoti yaunganidza $40 miriyoni yekuti ishandiswe mukubatsira vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vari kunetsekana nekubhadara mari dzechikoro.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera negurukota rezvedzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo waive pamusoro pekudzoswa kwehomwe yekubatsira vadzidzi nemari.

Prof Murwira vanoti vakatounganidza $8,4 miriyoni kubva kubazi ravo uye $5 miriyoni kubva kuZimbabwe Manpower Development Fund (Zimdef).

“Takaunganidzawo imwe mari yekubatsira vadzidzi zvichifambirana nebhajeti redu kuitira kuti iende pa$20 miriyoni. Nemari iyi, takataura nebhanga reCBZ kuti inge ichibereka kuenda pa$20 miriyoni saka vaida kuiwedzera kakapetwa kagumi asi nekuda kwekuoma kweupfumi hwenyika, vakazoiwedzera kakapetwa kaviri chete. Saka pari zvino tava ne$40 miriyoni,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti vacharamba vachikumbira mari yakawanda pabhajeti renyika regore ra2020 kuitira kuti vadzidzi vakawanda vabatsirikane nechirongwa ichi.

“Mubhajeti rinotevera, tichakumbira dare reParamende kuti ritiwanisewo mari nekuti imari inofanira kuramba ichiwedzera,” vanodaro Prof Murwira.

Share This:

Sponsored Links