Uncategorized

465 000 vasungwa

26 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
465 000 vasungwa Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vanodarika 465 000 vanonzi vasungwa nemapurisa nekuda kwemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubvira pakatanga denda iri munyika muno munaKurume wegore rapera.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kuramba achisunga vose vari kutyora mitemo yakadzikwa neHurumende yekurwisa Covid-19.

“Kubva mumwedzi waKurume 2020 kusvika iye zvino, tasunga vanhu vanokwana 465 431 nemhosva dzine chekuita nelockdown. Mhosva idzi dzinosanganisira kusapfeka mamasiki, kuwanikwa vanhu vakaungana, mota dzinotakura vanhu dzisina mvumo, vanomberereka vasina matsamba anovatendera, kuvhura mabhawa, kusatevedzera nguva dzecurfew nemakambani anoshanda asina mvumo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kuBulawayo, munguva pfupi yadarika, vakasunga vanhu vakawanikwa vachiita mabiko ekonzati uye vamwe vachitengesa doro mumashabhini nemumabhawa.

“Mutemo wekuti makombi asabvumidzwe kushanda uchiripo, kunze kwemabhazi eZupco chete ndiwo ari kutenderwa kutakura veruzhinji. Curfew ichiriko haina kubviswa, inotanga na8 husiku kusvika rechimangwana na5:30 dzemangwanani.

“Vari kunzi vagare kudzimba ngavatevedzere izvozvo nekuti vakaonekwa vachingomberereka vanosungwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Pavanhu vakasungwa nekuda kwekutyora mitemo ine chekuita nelockdown, vakawanda ndevemuguta reHarare vanove 131 978.

“Muguta reHarare masungwa vanhu vanokwana 131 978, richitevedzerwa neBulawayo kune vanhu 69 513, kuManicaland takasunga 68 954, Masvingo (42 105), Mashonaland West 41 511 neMashonaland Central tikabata vanhu 31 387.”

Asst Comm Nyathi vanoti kudunhu reMashonaland East kwakasungwa vanhu 28 829, Midlands 23 674, Matabeleland South 15 624 uyewo kuMatabeleland North kwabatwa 11 758.

“Tine vanhu vanovaviwa avo vasingagone kugara kudzimba dzavo sezviri kukurudzirwa nemitemo.

Ukafamba zvisina mvumo unosungwa worasikirwa nemari yako nekuripiswa faindi. Vemabhawa tinoti tevedzerai mitemo, haasati ava kubvumidzwa kuvhurwa,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere mitemo yakadzikwa neHurumende yekurwisa chirwere ichi.

“Tisamirire kumanikidzwa nemapurisa kuti tipfeke mamasiki kana kuziviswa kuti mabhazi anotenderwa kutakura vanhu ndeeZupco chete. Vamwe vari kutoonekwa vachinwa doro mumigwagwa vachisungwa, vemakombi vari kusungwa mota dzacho dzichitorwa kunochengetedzwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey