$5 000 yekufamba husiku

22 Jan, 2021 - 14:01 0 Views
$5 000 yekufamba husiku

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vatanhatu vanogara kuChitungwiza vakamiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekungomberekera munguva dzisingatenderwe pasi pemutemo wekurwisa chirwere cheCovid-19 – dzekubva na6 dzemanheru kusvika 6 dzemangwanani (curfew).

Vasungwa ava ndiSpencer Chikandiwa (36) wepanhamba 336 Unit C, Elis Mapute (21) wepanhamba 1951 Unit F, Amos Mlambo (42) wepanhamba 2350 Unit B, Tinashe Ponderai (32) wepanhamba 22188 Unit G, Mary Mutero (27) wepanhamba 13723 Unit N naMarex Chidze (25) wepanhamba 1320 Unit A – vese vari vagari vemuChitungwiza.

Mutongi Tendai Mutamba akavapa chirango chekubhadhara faindi ye$5 000 pamumwe nemumwe wavo musi wa25 Ndira usati wadarika uye kukundikana kwavo kubvisa mari iyi vachagara mujeri kwemwedzi miviri.

Muchuchisi Munyaradzi Karimazondo anoudza dare kuti nemusi wa18 Ndira, vasungwa vatanhatu ava vakatyora mutemo wecurfew apo vakawanikwa vachifamba munzvimbo dzakasiyana dziri kwaMakoni, kuChitungwiza pakati penguva dza6 manheru na11 dzehusiku.

Vanoti pazuva iri mapurisa akanga ari pabasa achiongorora munzvimbo iyi husiku apo vakasangana nevasungwa ava vachifamba-famba munguva dzisingatenderwe.

Vakatongwa nemhosva yechikamu chemutemo weSection 25 of the Public Health (National Lockdown Covid-19) Prevention, Containment and Treatment.

Share This:

Sponsored Links