Uncategorized

5 ‘DAYS’ AKAFUSHIRWA

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
5 ‘DAYS’ AKAFUSHIRWA CLIFFORD MUPANDAWANA

Kwayedza

‘Chokwadi Mwari variko’
‘Ini ndingadai ndakafa’

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki wekwaMambo Hozhele, kuSanyati — uyo anoita basa rehukorokoza — anoti akapona neburi retsono apo akapedza mazuva mashanu akatsitsirirwa pasi pemugodhi weCricket Mine, kuKadoma, mushure mekunge wakadhirika nguva yadarika pakafa vanhu 24.

Panjodzi iyi, vanhu vasere chete ndivo vakapunyuka rufu mushure mekunge rimwe dhamu riri kumusoro kwemugodhi uyu rakapazika chidziro charo nekuda kwekuzarisa zvikaita kuti mvura ifashukire ichinozara mumugodhi uyu.

Clifford Mupandawani (26) mumwe wemakorokoza akapona neburi retsono munjodzi iyi.

Svondo rapera, Kwayedza yakaita hurukuro naMupandawani payakasangana naye achifamba mumugwagwa unobva kuArda uchienda kuchikoro cheHozhele Primary kuSanyati apo aiita gumbo rekudhonza nekurwadziwa.

“Mwari variko. Ndiri mumwe wemakorokoza akadhirikirwa nevhu nematombo mvura yazara mumugodhi weCricket neJongwe Co-operative kukafa vamwe vedu 24 isu 8 tikararama. Takaita mazuva mashanu tiri pasi ipapo pasina chekudya. Taitoona rufu rwedu rwasvika asi Mwari vainge zvavo vachiziva chokwadi kuti nguva yainge isati yakwana.

“Takazoburitswa tikaenda kuchipatara sezvo takange takatsitsirirwa nemavhu nematombo,” anodaro.

Anoti akazoziva ava kuchipatara kuti ainge akuvara zvakanyanya.

“Inyaya yekutsvaga kurarama sezvo ndiine vana vaviri vanoda kuriritirwa. Ndakazobengenuka ndiri muchipatara cheKadoma General Hospital, ndakatyoka gumbo, muviri wangu wose achingova maronda. Ndakazobviswa kuchipatara cheKadoma ndikaendeswa kuHarare Central Hospital ndokuzodarikidzwawo kuKaranda Mission Hospital uko ndakazobuda ndokutanga kuenda kumachiremba akazvimirira,” anodaro.

Mupandawani anoti akaburitswa muchipatara munaChikumi apo akadzokera kumusha kwake kuSanyati.

“Vabereki vangu vose vakashaika saka pandakapinda muchipatara, mombe dzangu dzose 6 nembudzi 12 zvandakatenga nechikorokoza zvakasara zvichitengeswa nehama sezvo ndakarambana nemukadzi. Zvimwe zvipfuyo pane hama dzakatengesa vakauyawo nemari kuti ndizvirapise”

Anoti gumbo rake rakaiswa maplasters akawanda achibviswa kusvikira razoita zviri nani.

“Izvozvi vana vangu vaviri vari kumusha kwaamai vavo, ini ndinogara ndoga mubhuku raChivanga kuno kuSanyati. Basa handichagona kuita nekuda kwehurema, gumbo rakatyoka uyezve muviri wangu unogara uchirwadza.

“Ndinofanirwa kugara ndichienda kunoongororwa nemachiremba, asi mari handina uye kuti ndidzokere kuchikorokoza handichina simba – kunodiwa vane simba kuye.

“Asi chandinoda kutaurira vanhu ndechekuti rufu nderwaMwari, munhu anofa nguva yake yakwana,” anodaro Mupandawani.

Share This:

Sponsored Links