5 O-Levels kuZIFA ‘ka1’

24 Oct, 2024 - 18:10 0 Views
5 O-Levels kuZIFA ‘ka1’ Francis Zimunya Nyamutsamba (pakati) aina Pascal Zata (kuruboshwe) naMelbah Dzapasi anove nhengo yeZIFFASOL akamirira bandiko reGender and Women’s Football

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Football Federation of Social and Amateur Leagues (ZIFFASOL) rinoti rinotsigira zvakanyanya chisungo chakaitwa neZimbabwe Football Association chekuti munhu anoda kutunganira ZIFA anofanirwa kuve akapasa zvidzidzo zvishanu paO-Level sezvo achizoita basa rakakosha.

Chisungo cheZIFA, icho chakaitwa pamusangano wesvondo rapera, chamirira kuti chipasiswe nesangano rinoona nezvemitambo munyika reSports and Recreation Commission (SRC).

Nyaya iyi yamutsa bvongamupopoto padandemutande reSocial Media sezvo vamwe vatsigiri venhabvu vari kutsigira danho iri asi vamwe vachipokana naro.

Muhukuro nasachigaro weZIFFASOL – Francis Zimunya Nyamutsamba – anoti kuti nhabvu yemuno igosimukira, zvakakosha kuti mutungamiri weZIFA ange ane magwaro edzidzo epamusoro.

“Tinotsigira zvakataurwa neZIFA, mutungamiri wedu wenhabvu ngaave munhu akadzidza ane magwaro chaiwo kwete kuti anongoiswa pachigaro ichi pasina chaanoziva. Isu tiri kuda zvinhu zvakarongeka kwete kuita zvekutamba nekuti kana wave kutungamira sangano guru rakaita seZIFA unosangana nevanhu vakasiyana uchirongawo ‘madhiri’ makuru saka unomaronga sei iwe usina kudzidza?

“Ipapo tinotsigira ZIFA, mutungamiri ngaave ari munhu ane O-Level uye akazoitawo zvimwe zvidzidzo zvakasiyana,” anodaro Nyamutsamba.

Mashoko ake anotsinhirwa nemutevedzeri wake – Pascal Zata – achiti dzidzo inokosha kana munhu achida kuva pachigaro chikuru chekutungamira nhabvu yemuno.

“Pachigaro chinopisa ichi panotoda munhu akadzidza, hatidi kuita zvekutamba. Taimbove nemumwe wekuti wega waitoona kuti munhu uyu ane dzidzo here kana kuti kwete nekuti kana uchiti Zimbabwe i’continent’ iri mu’continent’ uri kureva kuti kudini?

“Isu tinoda munhu anotimirira zvido zvedu kwete kutinyadzisa kunze uko,” anodaro Zata.

Zvakadai, Nyamutsamba anotiwo zvakakosha kuti ZIFA ivagamuchire sevatsigiri venhabvu kuitira kuti vabatane mukusimudzira mutambo uyu.

“Isu seZIFFASOL takatenderera nyika yese tikaona kuti kune zvikwata zvinodarika 3 000 izvo ZIFA isingatombozive nezvazvo saka zvikwata izvi isu tiri kuda kuti zvizivikanwe uye zvisimudzirwe nekuti zvikacherechedzwa zvinobatsira kuti nhabvu yedu muno isimukire uye pagoita vatambi vakawanda vanotorwira kutambira nyika.

“Tingadai kutaura kuno tiri imwe yenyika dzinototyisa muAfrica muno panyaya dzenhabvu nekuti vatambi variko vakawanda kunze uko asi havasi kucherechedzwa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links