5 vafa neCovid-19

05 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
5 vafa neCovid-19

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro uno izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevashaika nedenda iri kusvika pari zvino huende pavanhu 5 451.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti vanhu vashanu vakafa nechirwere ichi nemusi uyu apo vamwe 87 vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa.

Huwandu hwevanhu vakafa neCovid-19 musi uyu hwakati kwirei kana zvichienzaniswa nemamwe mazuva mashoma adarika apo mune pasina munhu aifa.

Nemusi weMugovera, vanhu vaviri vakafa nedenda iri apo vamwe 67 vakawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhekwa.
Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 246 481 vange vabatwa neCovid-19 kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 238 581 vakatopona.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 5 451 788 vange vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) yekudzivirira Covid-19 apo 3 550 021 vange vabaiwa yechipiri (second dose).

Vamwe 423 015 vange vabaiwa majekiseni echitatu (booster)

Hurumende nguva pfupi yadarika yakatanga chirongwa chikuru chekubaya nhomba vana vane makore 12 okuberekwa zvichikwira icho chine chinangwa chekuti chikamu che70 percent chevanhu vose vari muZimbabwe vange vabaiwa majekiseni panozopera mwedzi waChikunguru gore rino izvo zvinoenderana nezvinodiwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

Share This:

Sponsored Links