5 vafa neCovid vaenda parufu

23 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
5 vafa neCovid  vaenda parufu Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Freedom Mupanedemo

VANHU vashanu vanogara mubhuku rimwe chete vakafa neCovid-19 mukati mesvondo rimwe kudunhu raMambo Sigwala, kuLower Gweru mushure mekunge vaenda pamariro ehama yavo yainge yafa nechirwere ichi.

Zviri kunzi vamwe vakawanda vehukama avo vainge vari pamariro aya vakatapurirana hutachiona hwecoronavirus uhwo hunokonzera Covid-19.

Sabhuku vemusha uyu, Mai Siziwe Siyaphi vanotsinhira nezvekufa kwevanhu vashanu ava, vachiti vakanyanyokanganiswa ndevemhuri yekwaNgwenya avo vane hama yainge yafira kuSouth Africa, mutumbi wacho ndokuunzwa muZimbabwe uri mubhokisi rainge rakaputirwa nebepa repurasitiki mushure mekuzivikanwa kuti ashaya neCovid-19.

“Panzvimbo yekuviga chitunha chehama yavo vachitevedzera zvinokurudzirwa nemutemo uye nevanoona nezveutano, hama idzi dzakavhura bhokisi raive nechitunha ndokuona mufi setsika yekuonekedzana naye,” vanodaro sabhuku ava.

Vagari vakawanda vemubhuku iri vari kunzi vakatapurirwa hutachiona uye nyaya iyi yatokwidzwa kwaMambo Sogwala nekumumiririri wedunhu iri mudare reNational Assembly, Cde Omega Sibanda.

“Takwidza nyaya iyi kuvakuru vedu muno uye kanzuru yeVungu Rural District Council yakatounza chikwata chiri kuvheneka vanhu mubhuku rino,” vanodaro sabhuku ava.

Mambo Sigwala vanonyunyuta nekuita zinyekenyeke kwevanhu munharaunda yavo panyaya dzekuzvidzivirira nekutevedza mitemo ine chekuita neCovid-19.

“Ndiwo mamiriro ezvinhu muno mudunhu reLower Gweru. Covid-19 yatishungurudza, iri kuuraya asi ndinoshora vagari vemuno nekuita kwavo zinyekenyeke pakusatevedza mitemo inobatsira mukudzivirira chirwere ichi.

“Zviri kungoda kuti vanhu vatevedzere mirawo yakatarwa ine chekuita neCovid-19.

“Zvakare, vanhu ngavarege zvekungofamba-famba vasina chinangwa uye vopfeka mamasiki nemazvo. Ndicho chikumbiro changu kuvanhu vangu muno neveZimbabwe yose,” vanodaro mambo.

Mambo Sogwala vanokurudzira vatungamiriri vemunharaunda kuti vaparidze kuvagari veko mashoko anobatsira mukudzivirira Covid-19.

Mutemo weZimbabwe unoti vanhu vanoungana parufu havafanirwe kudarika 30 uye kuonekwa kwechitunha hakutenderwe zvachose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey