5 vafa neCovid

10 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
5 vafa neCovid

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vashanu vakafa neCovid-19 nemusi weMuvhuro svondo rino hunove huwandu hwakakwira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nemazuva matatu adarika apo kusina akashaya nechirwere ichi.

Magwaro epazuva anoburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti vanhu vashanu vakafa neMuvhuro apo vamwe 18 vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa musi uyu.

Kufa kwevanhu vashanu ava kunotevera mazuva matatu – kubva Chishanu chadarika kusvika nemusi weSvondo – pasina afa nechirwere ichi.

Mumashure memazuva aya, munhu mumwe ndiye ange achifa pazuva (Chitatu neChina svondo radarika) nekuda kweCovid-19.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 133 205 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda iri mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga chirwere ichi muno mumwedzi waKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 128 126 vakatopona asi vamwe 4 690 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 379 391 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (first dose) ekudzivirira Covid-19 apo 2 654 079 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Hurumende iri kutora matanho akasimba nechinangwa chekurwisa denda iri.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro vari kugara vachikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ekuzvidzivirira kuCovid-19 uye nekuti vasati vabaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri vabaiwe.

Vanoti kuti Zimbabwe ikwanise kubaya nhomba chikamu che60 kusvika 70 percent chevanhu vose vari munyika nechinangwa chekuti pave nekudziviririka kubva kudenda iri, zvakakosha kuti veruzhinji vapihwe chenjedzo pamusoro pekuti vabaiwe majekiseni aya.

“Pari zvino nyika yasvika pachikamu che38 percent chevanhu vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19, kureva kuti tichiri kure kuzadzikisa chikamu chinodiwa kuti tinyatsoti munhu wese adzivirirwa kunyatwa yedenda iri. Saka matanho ose akatarwa nebazi rezveutano pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) anofanira kutevedzwa nemazvo,” vanodaro.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya vanhu 10 miriyoni nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti nyika inge yakadziviririka kubva kudenda iri panozopera gore rino.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakapa mvumo kuti vechidiki vane makore 16 ne17 okuberekwa vachitanga kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Izvi zvinotevera ongororo yakadzama yakaitwa nesangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe pamwe nenyanzvi dzezveutano ndokuona kuti zvakakodzera kuti vane makore 16 kusvika 17 okuberekwa vabaiwe majekiseni aya pachishandiswa mushonga weSinovac Covid-19 vaccine.

Hurongwa hwekuti vari pasi pemazera aya vange vachibaiwa nhomba idzi huchiri kutariswa nezvahwo.

Share This:

Sponsored Links