500 000 vabaiwa majekiseni

10 May, 2021 - 16:05 0 Views
500 000 vabaiwa majekiseni Vice President Chiwenga

Kwayedza

Tandayi Motsi naMukudzei Chingwere

VANHU vanodarika 500 000 kusvika pari zvino vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 inove budiriro huru apo Zimbabwe iri kuvavarira kuti pave nekuchengetedzeka (herd immunity) kubva kudenda iri panopera gore rino.

Magwaro anobuditswa zuva nezuva nebazi reutano nekurerwa kwevana anotaridza kuti kusvika nemusi weSvondo, vanhu 526 066 vange vabaiwa majekiseni ekutanga kudziviririra chirwere ichi apo 158 177 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 38 419 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 36 063 vakatopona asi vamwe 1 576 vakafa.

Vachitaura nemusi weMugovera vari kuNyanga apo vaishanyira dunhu reManicaland, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika – Vice President Constantino Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota reutano nekurerwa kwevana – vanoti vanofara zvikuru nebudiriro iripo pasi pechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

“Ndinofara kuzivisa kuti kusvika nemusi wa7 Chivabvu, 2021, nyika yabudirira zvikuru zvichitevera kudarika kwayakaita chidimbu chemiriyoni chevanhu vabaiwa majekiseni, apo 500 422 vange vabaiwa majekiseni ekutanga.

“Mamiriro ezvinhu aya anofadza apo tiri kuvavarira kuti pave nekuchengetedzeka kwevanhu kubva kudenda iri,” vanodaro.

Budiriro yechirongwa chekubaiwa majekiseni ichi, vanodaro VP Chiwenga, yavepo zvichitevera dzidziso nekurudziro yakasimba iri kuitwa nebazi reutano nekurerwa kwevana pamusoro pekukosha kwekuti vanhu vabaiwe majekiseni aya.

VP Chiwenga ndivo vakazvipira kuti vatange kubaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 muZimbabwe munaKukadzi apo pakaparurwa chirongwa ichi.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) svondo rapera rakaisa Zimbabwe pachikero chepamusoro-soro chenyika dziri kufambisa zvakanaka chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Zimbabwe yakaiswa pachidanho chechi7 muAfrica, pamberi peSouth South iyo yakabudirira zvikuru munyaya dzehupfumi iri panhamba 31.

VP Chiwenga vanoti Zimbabwe haisati yabuda munjodzi yekupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chiri kukurumbira kunyika yeIndia.

Vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda iri.

VP Chiwenga vanoti njodzi yekunyuka kwechirwere cheCovid-19 ketatu munyika muno ichiripo kana pachitariswa zviri kuitika pasi rose uye nekuwanda kwevanhu vari kutapurirwa denda iri muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>