$500 faindi yemasiki

07 May, 2020 - 00:05 0 Views
$500 faindi yemasiki Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Victor Maphosa
KUSATEVEDZA mutemo unoti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki (mask) senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 pose paanobuda pamba pake achienda panzvimbo yeruzhinji kwakaparira mumwe murume wemuHarare uyo akabhadhariswa faindi ye$500.

Svondo rapera Hurumende yakazivisa kuti pava nemutemo unosungira munhu wose kuti apfeke masiki paanenge ari panzvimbo yeruzhinji.

Pasi pemutemo uyu, avo vanoonekwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji vanosungwa voripiswa faindi yakakura kana kupihwa chirango chekugara mujeri kwenguva isingadarike gore.

Mushure mekudzikwa kwemutemo uyu, mapurisa akayambira veruzhinji kuti vasatyore murawo iwoyu. Zvisinei, Munashe Katsande (27) akave munhu wekutanga kutyora mutemo uyu zvikaita kuti asungwe nemapurisa. Akabatwa achifamba mumugwagwa waPrince Edward, muguta reHarare, asina kupfeka masiki. Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndinotsinhira kuti Katsande akasungwa nemapurisa achifamba mumugwagwa asina kupfeka masiki kumeso. Akatobhadhariswa faindi ye$500 nekuda kwemhosva iyi.

“Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere mutemo uyu. Tiripo kuona kuti mutemo iwoyu watevedzerwa uye sezvatinogara tichitaura. Mapurisa haazi kuzozesa kusunga vose vanotyora mutemo une chekuita nekurwisa kupararira kweCovid-19,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mapurisa acharamba achisunga vose vanotyora mutemo kusvikira wava kutevedzwa munyika yose.

“Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose ari kutorwa pakurwisa kupararira kweCovid-19. Kune vamwe vachiri kuita mabasa avo vasina kupihwa mvumo. Vamwe vachiri kuungana zvakare sekumachechi, pamabiko nekunwa doro munguva dzehusiku. Variko vamwe vari kuita zvemashabhini.

“Vamwewo vari kuzama kufamba nzendo vasina kupihwa tsamba vachienda kunzvimbo dzakasiyana vasina kupfeka mamasiki. Vose ava vanosungwa uye tichaona kuti mutemo watevedzerwa nemazvo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti hapana ari kuzotenderwa kudarika neparoad block yemapurisa asina magwaro akakwana.

Share This:

Sponsored Links