Uncategorized

‘6 DAYS’ ARERE NECHITUNHA

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
‘6 DAYS’ ARERE NECHITUNHA

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anoroja mumusha weKuwadzana Phase 3, muHarare, anonzi akagara nechitunha chemurume wake kwemazuva matanhatu apo airara nacho kusvikira chawora achiti ainge audzwa nemweya mutsvene kuti mudiwa wake aizomuka mukufa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yemudzimai wekuKuwadzana uyo akafirwa nemurume wake vari pamba pavanogara iye ndokuchengeta mutumbi wacho kwemazuva matanhatu achiti vainge vaudzwa nemweya mutsvene kuti aiva angofa panyama chete uye aizomuka mushure memazuva,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mai Jeniffer Dheka (38) vanonzi vakachengeta chitunha chemurume wavo, Michael Gondo (50), kusvikira zvazozivikanwa nemumwe muroja wepo nemusi wa17 Kukadzi.

“Nyaya yemutumbi uyu waiva wakachengetwa mumba yakazosvitswa kumapurisa ekuDzivaresekwa nemusi wa20 Kukadzi. Mapurisa vakazoshanyira nzvimbo iyi vachinzi kune chitunha chaichengetwa mumba panhamba 8906 Kuwadzana Phase 3.

“Mapurisa vakasvikotaura nerimwe remaroja pamba apa, Gabriel Chinyanga (22), anova ndiye nyakutanga kuziva nezvenyaya iyi sezvo ainge audzwa naamai vaichengeta chitunha ava,” vanodaro Insp Chazovachii.

Chinyanga, achitaura nemapurisa, anonzi akati akaziviswa naMai Dzeka nezvenyaya iyi nemusi wa17 Kukadzi kuti murume wavo ainge akafa uye mutumbi wacho waive mumba.

“Chinyanga anoti amai ava vakamutaurira kuti murume wavo ainge akafa ivo ndokuchengeta mutumbi wake mumba vachiti Mwari vaizomumutsa. Mumashoko avo, vanonzi vakati Baba Emmanuel vakazivisa amai ava kuti murume wavo ainge afa panyama chete asi aizomuka mushure memazuva izvo zvakakonzera kuti vachengete chitunha ichi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mapurisa vanonzi pavakapinda mumba, vakawana chitunha chemurume uyu chakarariswa pamubhedha, chakafugidzwa nemosquito net uye chatoora zvekubuda honye.

“Mutumbi uyu unonzi wakanga wave kunhuhwa uye mufi anonzi airwara negomarara kubva mumwedzi waChikunguru 2020 uyewo akanga ava kurasika njere kusvikira pakuzofa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Insp Chazovachii vanokurudzira veruzhinji kuti vangwarire zvimwe zvitendero zvinovapa mashoko asiriwo voguma votsaudzira mitemo yenyika.

“Zvinoratidza kuti amai ava vainamata kuchechi kwavakataurirwa kuti murume wavo akanga asina kufa, asi kuti aizomuka nekufamba kwenguva. Zvimwe ngatifungei toga, vamwe vanosvika pakuuraya hama nevabereki zvichibva kumaporofita vachinzi varoyi zvinova zvekunyepa.

“Panogona zvakare kunge paine kushungurudzwa kwaiitwa murume uyu, zvichida aitorambidzwa kuenda kuchipatara nekuda kwechitendero,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mutumbi wemurume uyu wakazoendeswa kuchipatara cheSally Mugabe Hospital kuti unoongororwa.

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi kuti kuwanikwe chaizvo zvakaitika vachibatsirwa nemudzimai wemurume uyu, Jeniffer Dzeka,” vanodaro Insp Chazovachii.

Zvichakadai, mune chimwe chiitiko chakafanana neichi, imwe mhuri yekwaSabhuku Melusi, kuMhondoro, makore mashoma adarika yakambogara mumba nezvitunha zvevanhu vaviri kwemwedzi mitatu mushure mekunge vanzi nemaporofita vaizomuka.

Mhuri yekwaPhiri inopinda chechi yeJohane Masowe Yenguwo Tsvuku yakachengeta mutumbi waJames Phiri (36) aiva muporofita newaMuzozo Phiri (80) ikawora yakavharirwa mumba pasina vanhu vemusha vakazviziva.

Vemhuri iyi vakanga vapihwa mhiko dzekuti vaisafanirwa kudya kana kugeza panguva yemwedzi mitatu uye vaibvumirwa kudya maputi chete nekunwa mvura vachinzi vaizosunungurwa kana vanhu ava vamuka.

 

Share This:

Sponsored Links