13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda.

Tsumo iyi inoshandisa nyaudzosingwi mbiri. Chipitipiti kufamba kwemunhu kana vanhu vanoramba vachipinda kana kuenda kumba kwevamwe. Chimwandamwanda kureva kupesana kunoita kuti vanhu vapedzisire vave uyo kwake uyo kwake. Saka kunyanya kufambirana kunopedzisira kwakanganisa hushamwari.

Zvekuita: Zita rekuti mwanda rinoreva svumbu kana kuti dzumbu re…

Mhinduro: huswa

Svondo rino:

Chitaurirwa mbare dzekumusana.

Kana mbare dzikaita kumusana haukwanise kudziona. Unotongovimba nekuudzwa nevamwe asi nyangwe zvakadaro, haufe wakagutsikana nekuti zvauri kuudzwa haugone kuzvionera wega. Saka tsumo iyi inoreva kuti pane zvimwe zvinhu zvaunongokwanisa kuvimba nevari kukuudza nezvazvo nyangwe zvisingakugutse.

Zvekuita: Chii chinokonzera mbare?

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links