Social media ngaisimudzire mhanzi

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Social media ngaisimudzire mhanzi Gaudencia Dhlamini

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira mumusambo wechitendero anoti zvakakosha kubatana nevaimbi vagara mune zvemimhanzi uye kushandisa nzira dzechizvino-zvino (social media) kusimudzira indasitiri iyi zvichitevera nyaya yepairesi iyo iri kurozva simba revaimbi vakawanda.

Gaudencia Dhlamini – uyo achangobva kubura kambo katsva kanonzi Wakandisimudza akabatana naReverend Togarepi Chivaviro – anoti veruzhinji mazuvano vari kushandisa chizvino-zvino uye ndiko kunogonawo kuwana vaimbi rutsigiro rwakasimba.

“Vazhinji vava kushandisa chizvino-zvino mazuvano, ndiko kuri kufambiswa nyaya zhinji naizvozvo vaimbi tinofanira kutora mukana uyu.

Vazhinji vava kushandisa Facebook, Twitter kana WhatsApp senzira dzekutaurirana uye kupanana nziyo,” anodaro.

Anoti mushandirapamwe pakuimba wakakakosha nekuti zvinoita kuti vatsigiri vakasire kuziva nziyo dzinenge dzichangoburwa.

“Maziso nenzeve dzeveruzhinji zviri pavanhu vagara mubasa rekuimba iri uye vane mukurumbira.

Inini ndiri munhu akamboridza ndokumboti mirei kutsikisa kwenguva yakareba.

Ndakaona kuti zvakakakosha kuti ndidzokere mumimhanzi ndichibatana nevaimbi vane mukurumbira nechekare.

Izvi zvinondibatsira kuvandudza maimbiro angu nekuti vagara varimo vanenge vava nehunyanzvi,” anodaro Dhlamini.

Anoenderera mberi achiti, “Parizvino ndakasarudza kubatana naReverend Chivaviro nekuti ndiye mumwe wevaimbi vane mukurumbira munziyo dzichetendero.

Ndiri kutarisira kutsikisa dambarefu rangu nguva diki iri kutevera.

Ndiri kutarisirawo zvakare kubatana nevamwe vaimbi vane mukurumbira ndotsikisa kamwe kambo futi ndisati ndatsikisa dambarefu idzva.

Izvi zvinobatsira zvakanyanya nekuti zvinoitawo kuti ndizivikanwe neveruzhinji.”

Dhlamini anoti kukura munyaya dzekuimba hakusi nyore naizvozvo anoshuvira kutsikisa nziyo dzinokwezva vatsigiri vakawanda.

Kambo kake kaakatsikisa naRev Chivaviro anoti kanodzidzisa kuti Mwari vanosimudzira vanhu vanofungidzira kuti havana kukodzera kuwana makomborero.

Muimbi uyu anoti vari mubishi kubika vhidhiyo rekambo aka iro rinotarisirwa kubuda nguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links