Majekiseni a ‘prophet’ Auraya vakadzi vaviri

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Majekiseni a ‘prophet’  Auraya vakadzi vaviri Inspector Kakohwa

Kwayedza

Chipo Katsidzira

VAKADZI vaviri vekwaNyashanu, kuBuhera vakafa nguva diki-diki vangobva kubaiwa majekiseni 32 emushonga kana kuti muteuro une uturu nemumwe muporofita anonzi ainge abva kuKadoma.

Mushure mekuita izvi svondo rapera, muporofita uyu anonzi akabva angotsakatika.

Mapurisa ekudunhu reManicaland anotsinhira nezvekufa kwevanhu vaviri avo vanonzi vakabaiwa majekiseni 32 kamwe chete pahuviri hwavo, ndokutemwa mazinyora akavasiya vongojuja ropa — vose ndokufa vachipupa furo nemumhuno nemukanwa.

Vashakabvu vanonzi vainge vanotsvaga kubatsirwa kumuporofita ari kunzi kuBuhera ainge ashanyira amai vake uyu.

Peneil Zvinowanda (69) naEllen Marime (57) vanonzi vose vakafa vachangobva kubaiwa majekiseni nemuporofita uyu musi wa24 na25 Zvita mubhuku raMukutukutu, kuBuhera.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti matikitivha ari kutsvaga Kudakwashe Ziwange (33) – uyo ari kupomerwa kukonzeresa rufu rwevaviri ava.

Veruzhinji vangava neruzivo rwekwaari vanokurudzirwa kuzivisa mapurisa ari pedyo navo.

Ziwange akapedzisira kuonekwa panhamba 74 Tsoka, Rimuka, kuKadoma.
Ziwange anonzi akashanyira amai vake, Mweya Munaki (52), vanogara mubhuku raMadhume, kuBuhera, apo akazobaya majekiseni ane mushonga usati wazivikanwa kuvaviri ava – avo vainge vanotsvaga kubatsirwa naye.

“Kudakwashe Ziwange anobva kuKadoma uye ainge ashanyira amai vake, Mweya Munaki, vekuMadhume, kwaMambo Nyashanu. Ziwange anozviti muporofita, nokudaro akabaya majekiseini emishonga isingazivikanwe kuvanhu vaviri ava achiti aivarapa,” vanodaro Insp Kakohwa.

Vanoti Zvinowanda ndiye akatanga kuenda kumuporofita uyu achida kubatsirwa mushure mekutambudzwa nemusana nemakumbo kwemakore anosvika 20.

Zvinowanda anonzi akabva abaiwa majekiseni 17 ane mishonga yechivanhu isati yazivikanwa kuti yakamira sei, achibva angobva panzvimbo apa otorwara zvakanyanya.

“Mukoma wemufi, Tawanda Nyamanjo (51) akamuona akarara padivi pemugwagwa achibva aenda naye kumba kunova kwaakasvika achifa,” vanodaro mapurisa.

Mutumbi wake unonzi wakanga uine maronda mumabvi, magokora nekumusana uye waibuda ropa nemukanwa nemumhuno.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yeMurambinda Mission Hospital kunovhenekwa.

Nomusi wa25 Zvita, Ziwange anonzi akashanyirwa naMarime uyo aida kurapwa makumbo ake aimutambudzwa kwemakore mashanu.

Marime akaperekedzwa nemuzukuru wake, Mauto Nyikadzino (57).

Anonzi akabaiwa majekiseni 15 aiva nemishonga yechivanhu nemuporofita mumwe chete uyu.

Hurwere hwake hwakabva kwakomba achibva ashaya achangosvika pamba.

Mutumbi wake wakaendeswazve kumochari yeMurambinda Mission Hospital kunovhenekwa uye wakaonekwa wakachekwa-chekwa nereza paibvi rekuruboshwe.

Waibudawo ropa nemumhuno nemukanwa.

Nyaya mbiri idzi dzakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Ziwange atsakatike munzvimbo iyi.

Mukati memasvondo maviri adarika, vanhu 4 vafa mushure mekunge vapihwa miteuro nemaporofita akasiyana.

Svondo rapera, Kwayedza yakaburitsa nyaya yaamai nemwanasikana wavo vekuKensington Plots, chinhambwe chiduku kubva muguta reBulawayo – avo vose vakashaya zvichitevera kupihwa kwavanonzi vakaitwa muteuro weraki nemumwe muporofita weko.

Thokozani Ncube (51) naSithandazile Nyathi (30) vakafa mushure memaminitsi gumi nemashanu vabva mukunwa muteuro wavakapihwa nemuporofita anonzi Brian Mpofu uyo anogara kuCowdray Park, ikoko kuBulawayo.
Mpofu anonzi akatosungwa.

Kuchitiwo mumwedzi waGunyana gore rapera, mumwe mudzimai wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, anonzi akafa ndokuvigwa kaverevere mushure mekunge anwiswa muteyo nen’anga inozviti Booster kana kuti Sekuru Bere.

Eritisia Katsamba (52) ndiye akarasikirwa neupenyu akazoendeswa kumba kwake nengoro atova chitunha achibviwa naye panzvimbo yaakange ari kurapirwa naTsikamutanda uyu.

 

Share This:

Sponsored Links